Online Bible

- Reklamy -

ƲaHeberu 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Naiɀoɀo ŋgatisiye shoko rokutaŋga kwaKristu, tipfuʋurire mberi pakukwaniswa, tisiŋgaisi ɀe nheyo dzokutendeʋuka pamaɓasa akafa, nedzokutenda kunaMŋari,

2 nedzedzidziso yokubapatidza, nedzokuisa maʋoko, nedzokumuka kwaʋakafa, nedzokutoŋgwa kusiŋgaperi.

3 Ndiɀo ɀaticaita, kana Mŋari acitendera.

4 Nokuti kana ʋari iʋo, ʋakambovenekerwa, ʋakaraʋira cipo cokuɗeŋga, ʋakagoʋerwa Mŋeya Mutȿene,

5 ʋakaraʋira shoko rakanaka raMŋari, namasimba enyika inoʋuya,

6 kana ʋakazotsauka, haɀibviri kuʋaʋandudza ɀe kuti ʋatendeʋuke, nokuti ʋanoɀiroʋerera ɀe Mŋanakomana waMŋari pamucinjikwa, ʋacimunyadzisa pacena.

7 Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamsoro payo kazhinji, ikaɓereka miriʋo yakafanira ʋo aʋo ʋainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMŋari;

8 asi kana ikaɓereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.

9 Asi ʋaɗikanwa, kunyaŋge ticitaura kuɗai, tinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu ɀinhu ɀinopfuʋura nokunaka, ɀinoisa kukuponeswa.

10 Nokuti Mŋari haazati ari usakarurama, uŋgakaŋganwa ɓasa renyu noruɗo rwamakaratidza nokuɗa kwezita rake, ɀamakashumira ʋatȿene, muciʋashumira naɀino.

11 Ɀino tinoɗa kuti mumŋe nomumŋe wenyu ashiŋgaire saiɀoɀo, kuti muʋe netariro yakakwana kuȿikira pakuguma.

12 Kuti murege kuʋa noʋusimbe, asi muʋe ʋateʋeri ʋaiʋo ʋanodya nhaka yeɀipikirwa nenzira yokutenda nokutsuŋgirira.

13 Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye,

14 akati: Ɀirokwaɀo nokuropafadza ndicakuropafadza, nokuwanza ndicakuwanza.

15 Nokuɗaro, wakati atsuŋgirira, akawana cipikirwa.

16 Nokuti ʋanhu ʋanopika nomukuru kwaʋari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakaʋa rose pakati paʋo.

17 Saiɀoɀo Mŋari wakati aciɗa ɀikuru kuratidza ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa, kuti cireʋo cake hacishandurwi, wakapinda pakati nokupika;

18 kuti neɀinhu ɀiʋiri ɀisiŋgashandurwi, ( nokuti paɀiri Mŋari haagoni kureʋa nhema), tiʋe nesimbiso yakaɓata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi peɗu, kuti tiiɓate;

19 yatinayo seciɓatiso coMŋeya, tariro isiŋgazunuŋguswi, yakasimba, inopinda kuneɀiri mukati mecidzitiro cetembere;

20 pakapinda mutuŋgamiriri nokuɗa kweɗu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusiŋgaperi, unorudzi naMerkisedeki.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy