ƲaHeberu 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi; 2 iye unogona kunzwira tsitsi aʋo ʋasiŋgaziʋi naʋakatsauka, nokuti naiye ʋo amene wakakomberedzwa noʋutera. 3 Nemhaka iyo iye amene unofanira kuɀiɓayira pamsoro peɀiʋi ɀake, seɀaanoɓayira ɀaʋanhu. 4 Hakunomunhu uŋgaɀitorera ɓasa iri rinokudzwa, asi kana aciɗanwa naMŋari saiye Aroni. 5 Saiɀoɀo ʋo Kristu haana‐kuɀikudza iye, aciitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, Nhasi ndakakuɓereka; 6 Seɀaanoreʋa ʋo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ndiwe Muprista nokusiŋgaperi Unorudzi naMerkisedeki. 7 Iye, pamazuʋa enyama yake, wakaʋuya kunaiye wakaŋga acigona kumurwira parufu, neminyeŋgetero nemikumbiro, acicema nokucema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuɗa kwokutya kwake Mŋari; 8 kunyaŋge aiʋa Mŋanakomana, wakadzidza kuterera neɀaakatambudzika; 9 akati akwaniswa, akazoʋa muʋambi wokuponeswa kusiŋgaperi kunaʋose ʋanomuterera; 10 akanzi naMŋari Muprista mukuru unorudzi naMerkisedeki. Ʋatendi ʋanofanira kupfuʋurira mberi pakutenda. 11 Tinamashoko mazhinji atiŋgataura pamsoro pake, anorema kuɗudzira, ɀamaʋa ʋanhu ʋasicagoni kunzwisisa kwaɀo. 12 Nokuti, kunyaŋge maifanira kuʋa ʋadzidzisi ɀino, kana ticitarira ŋguʋa, mofanira ɀe kuti muʋe nomumŋe unokudzidzisai dzidzo dzokutaŋga dzokuʋamba kweɀireʋo ɀaMŋari; maʋa ʋanhu ʋanofanira kupiwa ɀe mukaka, ʋasiŋgapiwi ɀokudya ɀikukutu. 13 Nokuti mumŋe nomumŋe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucece hake. 14 Asi ɀokudya ɀikukutu ndeɀaʋakuru, ʋanokuziʋa kwakadzidziswa, nenzira yokuroʋedzwa, kuziʋisisa ɀakanaka neɀakaipa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society