Online Bible

- Reklamy -

ƲaHeberu 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mashoko okupedzisira okuraira.

1 Ruɗo pakati pehama ŋgarugare.

2 Musakaŋganwa kuitira ʋaeni ruɗo; nokuti ʋaciɗaro ʋamŋe ʋakagarisa ʋatumŋa mumba, ʋasiŋgaɀiziʋi.

3 Fuŋgai ʋakasuŋgwa, somuneŋge makasuŋgwa pamŋe cete naʋo; naiʋo ʋanoitirwa ɀakaipa, somuneŋge muri mumuʋiri imi ʋo.

4 Kuwanana ngakukudzwe naʋose, nenhoʋo ŋgairege kuʋa nemhoȿa; nokuti Mŋari ucatoŋgesa mhombge naʋanofeʋa.

5 Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai neɀamunaɀo; nokuti iye amene wakati: Handiŋgatoŋgokuregeri, handiŋgatoŋgokusiyi.

6 Naiɀoɀo tinotsuŋga mŋoyo, ticiti: Ishe ndiye muɓatsiri waŋgu; handiŋgatyi; Munhu uŋgandiiteiko?

7 Raŋgarirai ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋaikuparidzirai shoko raMŋari; cerekedzai kuguma kwokufamba kwaʋo, mugoteʋera kutenda kwaʋo.

8 Jesu Kristu unogara akaɗaro zuro, nanhasi, nokusiŋgaperi.

9 Musatorwa nedzidziso dzimŋe dzisiŋgazikanwi; nokuti ɀakanaka kuti mŋoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa neɀokudya ɀisinakuɓatsira ʋakafamba maɀiri.

10 Isu tineartari, pasiŋgatenderwi kudyiwa naʋanoshumira tabernakeri.

11 Nokuti mitumbu yeɀipfuwo, ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene nomuprista mukuru nokuɗa kweɀiʋi, inopiswa kunze kwemisasa.

12 Saka naiye Jesu ʋo wakatambudzika kunze kwesuʋo, kuti aite ʋanhu ʋaʋe ʋatȿene neropa rake.

13 Naiɀoɀo ŋgatiɓuɗire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake.

14 Nokuti pano hatineguta ricagara, asi tinotȿaka ricazoʋa’po.

15 Naiɀoɀo ŋgatirambe ticiɓayira Mŋari naye ciɓayiro cokumurumbidza, ndico ciɓereko cemiromo inopupura zita rake.

16 Asi musakaŋganwa kuita ɀakanaka nokugoʋana; nokuti Mŋari unofara neɀiɓayiro ɀakaɗai.

17 Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu.

18 Tinyeŋgetererei; nokuti tinoziʋa kwaɀo kuti tinehana yakanaka, ɀatinoɗa kufamba ɀakanaka paɀinhu ɀose.

19 Ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti muite iɀoɀo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.


Kuwonekana.

20 Ɀino Mŋari worugare, wakadzosa kuʋakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe weɗu Jesu Kristu, neropa resuŋgano isiŋgaperi,

21 ŋgaakukwanisei paɀinhu ɀose ɀakanaka, kuti muite kuɗa kwake, iye aciita mukati meɗu iɀo ɀinofadza pamberi pake, naJesu Kristu — ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.

22 Asi ndinokurairai, hama dzaŋgu, kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma.

23 Ziʋai kuti hama yeɗu Timotio wakasunuŋgurwa; kana akakurumidza kuȿika, ndinozokuʋonai pamŋe cete naye.

24 Ndikwazisirei ʋatuŋgamiri ʋenyu ʋose naʋatȿene ʋose. ƲeItaria ʋanokukwazisai.

25 Nyasha ŋgadziʋe nemi mose. Ameni.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy