ƲaHeberu 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Nokuti murairo ɀaunomumvuri weɀinhu ɀakanaka ɀinoʋuya usati uri mufananidzo caiwo weɀinhu iɀoɀo, hauŋgatoŋgogoni kukwanisa aʋo ʋanosweɗera gore rimŋe nerimŋe naiɀoɀo ɀiɓayiro ɀaʋanoramba ʋaciɓayira Mŋari. 2 ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, ɀiŋgaɗai ɀisina‐kupera kuɓayirwa here? Nokuti ʋanonamata, kana ʋakaŋga ʋanatswa kamŋe cete, ʋaŋgaɗai ʋasina‐kuzoyeʋudzwa ɀiʋi ɀaʋo. 3 Asi neɀiɓayiro iɀoɀi ʋanoyeʋudzirwa ɀiʋi gore rimŋe nerimŋe. 4 Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritoŋgogoni kubvisa ɀiʋi. 5 Saka pakuȿika kwake panyika, unoti: Ciɓayiro necipo makaɀiramba, Asi makandigadzirira muʋiri; 6 hamuna‐kuɗa ɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi; 7 Ɀino ndikati: Tarirai, ndaʋuya, (Pabuku yakapetwa pakanyorwa ɀaŋgu) Kuti ndiite kuɗa kwenyu, imi Mŋari. 8 Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), 9 ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. 10 Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. 11 Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; 12 asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; 13 kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. 14 Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene. 15 NoMŋeya Mutȿene unotipupurira ʋo; nokuti wakataŋga, aciti: 16 Iyi ndiyo suŋgano yandicaita naʋo Shure kwamazuʋa iwayo, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pamŋoyo yaʋo, Nokuinyor pakufuŋga kwaʋo; Ndokuzoti: 17 Ɀiʋi ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo handicatoŋgoɀiraŋgariri. 18 Ɀino, kana ɀinhu iɀi ɀakaŋganwirwa, ɀiʋi haɀicaɓayirwi. Ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi. 19 Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ɀatiŋgatsuŋga kupinda panɀimbo tȿene neropa raJesu, 20 nenzira itȿa mhenyu, yaakatiʋambira iye nokupinda kwake pacidzitiro cetembere, ndiyo nyama yake; 21 ʋuye ɀatinomuprista mukuru paimba yaMŋari, 22 ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. 23 Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka; 24 ŋgatiraŋgarirane, timutsane mŋoyo kuti tiʋe noruɗo namaɓasa akanaka, 25 tisarega kuʋuŋgana kweɗu, seɀinoita ʋamŋe, asi tirairane; ɀikuru ɀamunoʋona kuti zuʋa rosweɗera. Kutadza nobgoni. 26 Nokuti kana ticitadza nobgoni, kana tambogamucira ziʋo yeɀokwaɗi, hakucineciɓayiro pamsoro peɀiʋi, 27 asi kuŋgomirira ticitya kutoŋgeswa nokutsamŋa kunopfuta somŋoto, kucapedza ʋaʋeŋgi. 28 Munhu, wakaramba murairo waMosesi, unofa asiŋganzwirwi tsitsi, kana paneɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu; 29 hamufuŋgi here kuti munhu, wakatsika Mŋanakomana waMŋari pasi petsoka dzake, akati ropa resuŋgano raakaitwa mutȿene naro harinamaturo ɀaro, akaɀidza Mŋeya wenyasha, kuti iye haaŋganzi wakafanirwa nokurobga kunopfuʋura uku kwaɀo here? 30 Nokuti tinomuziʋa iye wakati: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira. Ʋuye ɀe: Ishe ucatoŋga mhoȿa dzaʋanhu ʋake. 31 Ɀinotyisa kuwira pamaʋoko aMŋari mupenyu. Fuŋgai kutsuŋga kwenyu kwakare. 32 Asi raŋgarirai mazuʋa okutaŋga, amakati mavenekerwa, mukatsuŋga pakurwa kukuru kweɗambudziko; 33 pamŋe nokuti makaitwa cinhu cinotarirwa nokuɀidzwa nokutambudzwa; pamŋe nokuti makagoʋana naiʋo ʋakaitirwa iɀoɀo. 34 Nokuti makanzwira tsitsi aʋo ʋakasuŋgwa, mukatenda ʋo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambge, muciziʋa kuti imi mumene munefuma yakapfuʋura nokunaka, inogara. 35 Naiɀoɀo regai kurasha kusatya kwenyu kunomuɓayiro mukuru. 36 Nokuti munofanira kuʋa nokutsuŋgirira, kuti, kana maita kuɗa kwaMŋari, mugopiwa cipikirwa. 37 Nokuti kaŋguʋa kaɗuku‐ɗuku kaci’ko, Iye unoʋuya, ucaʋuya, asiŋganonoki. 38 Asi wakarurama waŋgu ucaponeswa nokutenda; Ɀino kana akadzokera shure, mŋoyo waŋgu hauŋgafari naye. 39 Ɀino isu hatizi iʋo ʋokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri ʋokutenda kuti tiponeswe mŋeya. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society