ƲaFiripi 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kushiŋgaira kwaPauro kuziʋa Kristu. 1 Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi. 2 Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka; 3 nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama, 4 kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini. 5 Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise; 6 pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa. 7 Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. 8 Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu; 9 ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda; 10 kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; 11 kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa. 12 Handiti ndatociwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ko, kuti ɀimŋe ndiciɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira. 13 Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, 14 ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu. 15 Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo. 16 Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika. 17 Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su. 18 Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu; 19 kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika. 20 Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; 21 uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society