ƲaEfeso 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Imi ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu munaShe; nokuti ndiɀo ɀakarurama. 2 Kudza ɓaɓa ʋako namai — ndiwo murairo wokutaŋga unecipikirwa — 3 kuti uitirwe ɀakanaka, ugare ŋguʋa refu panyika. 4 Nemi madziɓaɓa, regai kutsamŋisa ʋana ʋenyu; asi ʋarerei pakuraŋga nokuraira kwaShe. 5 Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu; 6 musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi saʋaranda ʋaKristu, ʋanoita kuɗa kwaMŋari nomŋoyo wose; 7 muciɓata nomŋoyo wakanaka, muciɀiita sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; 8 muciziʋa kuti cinhu cipi necipi cakanaka, cinoitwa nomunhu mumŋe nomumŋe, ucacipiwa ɀe naShe, kana akasuŋgwa kana akasunuŋguka. 9 Nemi madzishe, muʋaitire saiɀoɀo, murege kuʋatyisa; nokuti munoziʋa kuti Ishe waʋo nowenyu uri kuɗeŋga; haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu. Nhumbi dzomukristu dzokurwa nadzo. 10 Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. 11 Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. 12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. 13 Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. 14 Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, 15 makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; 16 pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. 17 Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari; 18 munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose, 19 neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri, 20 yandiri nhume yayo yakasuŋgwa namatare; kuti ndiɀitaure ndisiŋgatyi, seɀandinofanira kutaura. Mashoko okupedzisira. 21 Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose; 22 ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muziʋe ɀinhu ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu. 23 Rugare ŋgaruʋe nehama, noruɗo pamŋe cete nokutenda, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu. 24 Nyasha ŋgadziʋe naʋose ʋanoɗa Ishe weɗu, Jesu Kristu, noruɗo rusiŋgaʋori |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society