ƲaEfeso 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa; 2 fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira. 3 Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; 4 neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga. 5 Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari. 6 Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. 7 Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; 8 nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. 9 (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), 10 muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. 11 Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; 12 nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. 13 Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. 14 Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera. 15 Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera; 16 muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa. 17 Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. 18 Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya; 19 mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu; 20 muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu; 21 muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu. Ʋakristu mumba maʋo. 22 Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe. 23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri. 24 Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo. 25 Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo; 26 kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, 27 kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa. 28 Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa; 29 nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke; 30 nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake. 31 Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. 32 Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke. 33 Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀaanoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society