Rute 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Rute unotumŋa kundokumbira kuti Boazi aʋadzikinure. 1 Ɀino Naome, ʋamŋene ʋake, akati kwaari: Mŋanasikana waŋgu, handifaniri kukutȿakira zororo, kuti ufare here? 2 Ɀino Boazi, kwawakaŋga uri kuʋasikana ʋake, haizi hama yeɗu here? Tarira iye ucarudza bari maɗekwanano paɓuriro. 3 Ɀino ciɀishambidza, uzore mafuta, ufuke ŋguʋo dzako, ndokuɓurukira kuɓuriro; asi usaɀiratidza kumurume uyo, kuȿikira apedza kudya nokunwa. 4 Ɀino kana iye acindoʋata, iwe unofanira kucerekedza paanondoʋata, ugoenda ndokufukura tsoka dzake, ndokuʋata’po pasi; iye ucakuʋudza ɀaucafanira kuita. 5 Akati kwaari: Ɀose ɀamunondiʋudza ndicaɀiita. 6 Ipapo akaɓurukira kuɓuriro, akandoita ɀose ɀaakaŋga arairwa naʋamŋene ʋake. 7 Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi. 8 Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake. 9 Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba. 10 Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi. 11 Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo. 12 Ɀino iɀo ɀirokwaɀo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kuneimŋe hama iri pedyo kupfuʋure’ni. 13 Ʋata hako ʋusiku bguno; ɀino maŋgwana, kana iye aciɗa kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndiɀo haɀo; ŋgaaite ɀinofanira kuitwa nehama; asi kana asiŋgaɗi kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ini ndicakuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehova mupenyu; ciʋata hako kuȿikira maŋgwana. 14 Iye akaʋata patsoka dzake kuȿikira maŋgwanani, akamuka ʋanhu ʋacigere kunatso‐ʋona. Nokuti wakati: Ŋgaɀirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakaʋuya paɓuriro. 15 Akati: Ʋuya neŋguʋo yawakafuka, uiɓate; akaiɓata, iye akayera ɀiyero ɀitanhatu ɀebari, akamutakudza iɀo, akapinda muguta. 16 Ɀino wakati aciȿika kuʋamŋene ʋake, iʋo ʋakati: Ɀazoɗiniko mŋana waŋgu? akaʋaʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa nomurume uya. 17 Akati: Iye wandipa ɀiyero iɀi ɀitanhatu ɀebari, nokuti wakati: Usaenda kuʋamŋene ʋako usinecinhu. 18 Ɀino ʋakati: Cigara hako, mŋana waŋgu, kuȿikira waʋona mugumo weshoko iri; nokuti murume uyu haaŋgazorori kuȿikira apedza shoko iri nhasi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society