Online Bible

- Reklamy -

Ruka 22 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaJuda ʋanoraŋgana kuʋuraya Jesu.
( Mat 26:1–5 ; Mar 14:1 , 2 )

1 Ɀino mutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso, unonzi paseka, wakasweɗera.

2 Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakatȿaka kuti ʋaŋgamuʋuraya sei; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu.


Judasi Iskarioti unotȿaka kuteŋgesa Jesu.
( Mat 26:14–16 ; Mar 14:10 , 11 )

3 Ɀino Satani wakapinda kunaJudasi wainzi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri.

4 Akaenda, akandoraŋgana naʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, kuti uŋgamuisa kwaʋari sei.

5 Ʋakafara, ʋakatenderana naye ʋose kuti ʋamupe mari.

6 Akatenda, akatȿaka ŋguʋa yokumuisa nayo kwaʋari pasinaʋanhu ʋazhinji.


Paseka neCirayiro.
( Mat 26:17–30 ; Mar 14:12–26 )

7 Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro,

8 akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.

9 Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko?

10 Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda;

11 muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu?

12 Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo.

13 Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka.

14 Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora.

15 Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16 Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari.

17 Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu.

18 Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika.

19 Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira.

20 Nokuɗaro ʋo, ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isuŋgano itȿa muropa raŋgu, rinoteʋurirwemi.

21 Asi tarirai, ruʋoko rwaiye, unondipandukira, runeni patafura.

22 Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakatemŋa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.

23 Ipapo ʋakataŋga kubvunzana kuti ndianiko kwaʋari uŋgaita cinhu ico.


Mukuru ndiani.
( Mat 20:25–28 ; Mar 10:42–45 )

24 Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru.

25 Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri.

26 Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira.

27 Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.

28 Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu.

29 Ndinokugarisai nhaka yoʋushe saƂaɓa ʋaŋgu ʋakandigarisa nhaka,

30 kuti mugodya nokunwa patafura raŋgu muʋushe bgaŋgu; mucagara paɀigaro ɀoʋushe, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri.


Jesu unoʋudza Petro kuti ucamuramba.
( Mat 26:31–35 ; Mar 14:27–31 ; Joh 13:36–38 )

31 Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo;

32 asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako.

33 Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu.

34 Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi.

35 Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna.

36 Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge.

37 Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika.

38 Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana.


Jesu muGetsemani.
( Mat 26:36–46 ; Mar 14:32–42 )

39 Ɀino wakaɓuɗa, akaenda kugomo reMiorivi, seɀaaisiita; naʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera.

40 Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.

41 Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera,

42 aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu.

43 Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa.

44 Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi.

45 Akasimuka pakunyeŋgetera, akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata neshuŋgu dzomŋoyo.

46 Akati kwaʋari: Maʋatireiko? Mukai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.


Kusuŋgwa kwaJesu.
( Mat 26:47–56 ; Mar 14:43–50 ; Joh 18:1–11 )

47 Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete.

48 Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here?

49 Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here?

50 Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi.

51 Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa.

52 Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here?

53 Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima.


Kuramba kwaPetro.
( Mat 26:69–75 ; Mar 14:66–72 ; Joh 18:16–18 , 25–27 )

54 Ɀino ʋakamuɓata, ʋakaenda naye, ʋakandomuisa kumba kwomuprista mukuru. Petro akateʋera ari kure.

55 Ʋakati ʋaʋesa mŋoto pakati poruʋazhe, ʋakagara pasi pamŋe cete, naPetro akagara pakati paʋo.

56 Ɀino mumŋe mushandiri wakati acimuʋona agere muciedza comŋoto, akamutarisisa, akati: Noyuyu ʋo wakaŋga anaye.

57 Asi iye wakaramba, aciti: Iwe mukadzi, handimuziʋi.

58 Garegare, mumŋe ɀe akamuʋona, akati: Iwe uri mumŋe waʋo. Petro akati: Iwe munhu, handizati.

59 Ŋguʋa ineŋge seimŋe yakati yapfuʋura, mumŋe ɀe akasimbisa, aciti: Ɀirokwaɀo, uyu wakaŋga anaye ʋo; nokuti muGarirea.

60 Petro akati: Iwe munhu, handiziʋi ɀaunoreʋa! Pakarepo, acataura, joŋgwe rikarira.

61 Ipapo Ishe akatendeʋuka, akatarira Petro. Petro akaraŋgarira shoko raShe, raakaŋga amuʋudza, aciti: Joŋgwe risati rarira nhasi, ucandiramba katatu.

62 Akaɓuɗa, akacema ɀikuru.

63 Ʋarume ʋo ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuseka, nokumuroʋa.

64 Ʋakafukidzira meso ake, ʋakamubvunza, ʋaciti: Profita kuti ndiani wakuroʋa.

65 Neɀimŋe ɀizhinji ʋakareʋa kwaari, ʋacimutuka.


Jesu pamberi paʋaprista ʋakuru naʋakuru.
( Mat 26:57–68 ; Mar 14:53–65 ; Joh 18:12–24 )

66 Ɀino kwakati kwaedza, ʋakuru ʋaʋanhu naʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaʋuŋgana, ʋakamuisa kumakurukota aʋo,

67 ʋaciti: Kana uri Kristu, utiʋudze. Iye akati kwaʋari: Kana ndikakuʋudzai, hamuŋgatendi.

68 Kana ndikakubvunzai, hamuŋgandipinduri.

69 Asi kubva ɀino Mŋanakomana womunhu ucagara kurudyi rwesimba raMŋari.

70 Ipapo ʋose ʋakati: Uri Mŋanakomana waMŋari kanhi? Akati kwaʋari: Mareʋa kuti ndini iye.

71 Iʋo ʋakati: Ticatȿakireiko capupu? Nokuti taɀinzwira timene pamuromo wake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy