Online Bible

- Reklamy -

Ruka 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Simba raJesu rinobʋepi.
( Mat 21:23–27 ; Mar 11:27–33 )

1 Ɀino panerimŋe ramazuʋa iwayo, acidzidzisa ʋanhu mutembere, aciʋaparidzira Evaŋgeri, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaȿika,

2 ʋakataura, ʋakati kwaari: Tiʋudzei, kuti munoita ɀinhu iɀi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri?

3 Akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko; ndiʋudzei:

4 Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga kana kuʋanhu here?

5 Ʋakataurirana pakati paʋo, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda?

6 Asi kana tikati, Kuʋanhu, ʋanhu ʋose ʋacatitaka namabge; nokuti iʋo ʋanotenda kuti Johane waiʋa muprofita.

7 Ʋakapindura, ʋaciti hatiziʋi kwarwakabva.

8 Ɀino Jesu akati kwaʋari: Neni ʋo handiŋgakuʋudziyi simba randinoita naro ɀinhu iɀi.


Mufananidzo waʋarimi ʋakaipa.
( Mat 21:33–46 ; Mar 12:1–12 )

9 Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu.

10 Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina.

11 Akatuma ɀe mumŋe muranda; naiye ʋo ʋakamuroʋa, ʋakamunyadzisa, ʋakamudzosa asina.

12 Akatuma ɀe wecitatu; naiye ʋakamukuʋadza, ʋakamuɓuɗisa kunze.

13 Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye.

14 Asi ʋarimi ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaraŋgana, ʋakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ŋgatimuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu.

15 Ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino, mŋene womunda wemizambiriŋga ucaʋaiteiko?

16 Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋa; munda wemizambiriŋga akaupa ʋamŋe. Ɀino ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakati: Haiȿa!

17 Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona?

18 Mumŋe nomumŋe unowira pamsoro pebge iro, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira.


Kuripira Kesari mutero.
( Mat 22:15–22 ; Mar 12:13–17 )

19 Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo.

20 Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi.

21 Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi.

22 Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?

23 Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari:

24 Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari.

25 Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari.

26 Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.


Ʋanobʋunza Jesu pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
( Mat 22:23–33 ; Mar 12:18–27 )

27 Ɀino ʋamŋe ʋaSaduse, iʋo ʋanoramba kumuka kwaʋakafa ʋaciti hakuna, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza,

28 ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinaʋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana.

29 Ɀino, kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana;

30 nowecipiri;

31 nowecitatu akamutora; nokuɗaro naʋanomŋe ʋose, ʋakasasiya ʋana, ʋakafa.

32 Pashure mukadzi akafa ʋo.

33 Ɀino pakumuka ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe.

34 Jesu akati kwaʋari: Ʋanakomana ʋenyika ino ʋanowana, ʋuye ʋanowaniswa;

35 asi aʋo ʋacanzi naMŋari ʋakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwaʋakafa, haʋawani, ʋuye haʋawaniswi.

36 Nokuti haʋazofi ɀe; nokuti ʋacaenzana naʋatumŋa; ʋaʋa ʋanakomana ʋaMŋari ɀaʋari ʋanakomana ʋokumuka.

37 Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo.

38 Ɀino Mŋari haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; nokuti ʋose ʋapenyu kwaari.

39 Ipapo ʋamŋe ʋanyori ʋakamupindura, ʋakati: Mudzidzisi, mataura ɀakanaka.

40 Nokuti ʋakaŋga ʋacitya kuzomubvunza cinhu.


Kristu Mŋanakomana waDaʋidi.
( Mat 22:41–46 ; Mar 12:35–37 )

41 Ɀino akati kwaʋari: Ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye Mŋanakomana waDavidi?

42 Nokuti Davidi wakareʋa amene mubuku yaMapisarema, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu,

43 Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako.

44 Naiɀoɀo, Davidi unomuidza Ishe, ɀino uŋgagoʋa Mŋanakomana wake seiko?


Jesu unonyeʋera ʋadzidzi ʋake.
( Mat 23:1–14 ; Mar 12:38–40 )

45 Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa:

46 Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo;

47 ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy