Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ʋanoita suŋgano naMŋari.

1 Ɀino ʋakasimbisa suŋgano ndiʋaʋa: Nehemia, muɓati, mŋanakomana waHakaria, naZedekia;

2 neSeraya, naAzaria, naJeremia;

3 naPashuri, naAmaria, naMarkija;

4 naHatushi, naShebania, naMaruki;

5 naHarimi, naMeremoti, naObadia;

6 naDanieri, naGinetoni, naBaruki;

7 naMeshurami, naAbija, naMijamini;

8 naMaazia, naBirgai, naShemaya; ndiʋo ʋaiʋa ʋaprista.

9 Ʋuye ʋaRevi aʋa: Jeshua, mŋanakomana waAzania, naBinui waʋanakomana ʋaHenadadi, naKadmieri;

10 nehama dzaʋo: Shebania, naHodia, naKerita, naPeraya, naHanani;

11 naMika, naRehobi, naHashabia;

12 naZakuri, naSherebia, naShebania;

13 naHodia, naBani, naBeninu;

14 ʋuye ʋakuru ʋaʋanhu aʋa: Paroshi, naPahati‐moabi, naErami, naZatu, naBani;

15 naBuni, naAzgadi, naBebai;

16 naAdonija, naBigvai, naAdini;

17 naAteri, naHezekia, naAzuri;

18 naHodia, naHashumi, naBezai;

19 naHarifi, naAnatoti, naNobai;

20 naMagpiashi, naMeshurami, naHezeri;

21 naMeshezaberi, naZadoki, naJadua;

22 naPeratia, naHanani, naAnaya;

23 naHoshea, naHanania, naHashubi;

24 naHaroheshi, naPirha, naShobeki;

25 naRehumi, naHashabna, naMaaseya;

26 naAhiya, naHanani, naAnani;

27 naMaruki, naHarimi, naBaana.

28 Asi ʋamŋe ʋanhu, iʋo ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaNetinimi, naʋose ʋakaŋga ʋaɀiraʋura paʋanhu ʋenyika iyo kuceŋgeta murau waMŋari, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋakunda ʋaʋo, mumŋe nomumŋe wakaŋga aciziʋa nokunzwisisa,

29 ʋakanamatira hama dzaʋo, iʋo ʋakuru, ʋakaɀisuŋga nokutukwa nokupika kuti ʋacafamba nomurau waMŋari, waʋakapiwa naMosesi muranda waMŋari, nokuraŋgarira nokuita mirairo yose yaJehova Ishe weɗu, neɀaakatoŋga neɀaakatema;

30 ʋuye kuti hatiŋgapi ʋanhu ʋenyika ʋakunda ʋeɗu, kana kutorera ʋanakomana ʋeɗu ʋakunda ʋaʋo;

31 ʋuye kuti kana ʋanhu ʋenyika ʋakaʋuya neɀinhu ɀaʋo, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, kuzoteŋgesa nezuʋa resaɓata, isu hatiŋgaʋateŋgeri nesaɓata, kana panerimŋe zuʋa dɀene; ʋuye kuti ticaregera nyika pagore recinomŋe nokusareʋa ɀikwerete ɀose.

32 Takaɀiitira ʋo mutemo kuti ticaripira ɓasa reimba yaMŋari weɗu cetatu ceshekeri pagore rimŋe nerimŋe;

33 ɓasa reɀiŋgwa ɀokuratidza, necipiriso coʋupfu ceŋguʋa dzose, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, rapamasaɓata, napakugara kwemŋedzi, napanemimŋe mitambo yakatarwa, nereɀimŋe ɀinhu ɀitȿene, nereɀipiriso ɀeɀiʋi ɀokuyananisira ʋaIsraeri naɀo, neramaɓasa ose muimba yaMŋari weɗu.

34 Tikakanda mijenya, isu ʋaprista naʋaRevi naʋanhu, pamsoro peɀipo ɀehuni, kuti tiʋuye nadzo mumba maMŋari weɗu, namadzoro edzimba dzamadziɓaɓa eɗu, paŋguʋa dzakatarwa gore rimŋe nerimŋe, kuti dziʋeserwe paartari yaJehova Mŋari weɗu, seɀakanyorwa pamurairo;

35 tikaɀisuŋga kuti ticaʋuya neɀitȿa ɀeminda yeɗu, neɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀose ɀemiti yamarudzi ose, gore rimŋe nerimŋe kumba kwaJehova;

36 namataŋgwe aʋanakomana ʋeɗu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo ɀeɗu, seɀakanyorwa pamurau, naʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzeɗu namakwai eɗu, kuti tiʋuye naɀo kumba kwaMŋari weɗu, nokuʋaprista ʋanoɓata mumba maMŋari weɗu;

37 ʋuye kuti ticaʋuya neɀitȿa ɀoʋupfu, neɀeɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀiɓereko ɀemiti yamarudzi ose, ɀewaini neɀamafuta, kuʋaprista, kumakamuri eimba yaMŋari weɗu, neɀegumi ɀeminda yeɗu kuʋaRevi, nokuti ʋaRevi ndiʋo ʋanopiwa ɀegumi ɀeɀinorimŋa nesu pamaguta ose.

38 Muprista mŋanakomana waAroni unofanira kuʋa naʋaRevi kana ʋaRevi ʋacitora ɀegumi; ɀino ʋaRevi ʋanofanira kuʋuya necegumi ceɀegumi kuimba yaMŋari weɗu kumakamuri eimba yefuma.

39 Nokuti ʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaRevi ʋanofanira kuʋuya necipiriso cinotsaurwa ceɀiyo, newaini, namafuta, kumakamuri munemidziyo yeimba tȿene nokuʋaprista ʋanoɓata’mo, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi; hatiŋgarashi imba yaMŋari weɗu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy