Online Bible

- Reklamy -

Nahumi 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Nineve ricaparadzwa naJehova.

1 Muputsanyi waʋuya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai ɀiʋuno ɀenyu, itai nesimba renyu kwaɀo.

2 Nokuti Jehova unodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobo sokurumbidzwa kukuru kwaIsraeri; nokuti ʋaɗururi ʋakaʋaɗurura, ʋakaparadza mataʋi emizambiriŋga yaʋo.

3 Nhoʋo dzemhare dzake dzakatȿukiswa, ʋarume ʋakatsuŋga ʋakapfeka ŋguʋo tȿuku; matare eŋgoro anopenya nezuʋa rokuɀigadzira kwake, mapfumo ake emisipresi anosimudzwa.

4 Ŋgoro dzinoʋirima munzira dzomumusha, dzinoɓonderana pamapani, dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni.

5 Unoraŋgarira ʋakuru ʋake, ʋanogumburwa pakufamba kwaʋo, ʋanomhanyira kuruȿiŋgo rwaro pakagadzirwa citaʋiridzo.

6 Masuʋo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka.

7 Shoko ratemŋa, rokuti, rakafukurwa, rakatapxa, ʋashandiri ʋaro ʋanocema namanzwi akaita seenjiʋa, ʋaciɀiroʋa ɀifuʋa ɀaʋo.

8 Asi kubva kare Nineve rakaŋga rakaita sedziʋa remvura; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanotiza. Ʋanoɗana ʋaciti: Mirai, mirai! asi hakunaunoceuka.

9 Pambai sirveri, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwaɀo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaiȿo‐naka.

10 Harinecinhu, rinoshaiwa ɀose, raʋa ɗoŋgo; mŋoyo unonyauka, mabvi anoɓonderana, kurwadziwa kuri’po paɀiʋuno ɀose, ɀiso ɀaʋose ɀaceneruka.

11 Nɀimba yeshumba iripi? Panodyira shumba ɗuku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomŋana weshumba, kusina‐unodzikarudza?

12 Shumba yaibvamburanya ɀakariŋgana ʋana ʋayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo neɀayairuma, nenɀimba dzayo neɀayaiɓata.

13 Tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicapisa ŋgoro dzaro dziite ʋutsi, munondo ucapedza shumba dzenyu ɗuku; ndicabvisa ɀawakapamba panyika, inzwi renhume dzako hariŋgatoŋgonzwiki ɀe.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy