Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Kana munhu akatadza, ari capupu akapikirwa kupupura cinhu caakaʋona, kana caanoziʋa, akasaɗudza, ucaʋa nemhoȿa yake.

2 Kunyaŋge kana munhu akaŋga aɓata cinhu cisakanaka, kana ciri citunha cemhuka isakanaka, kana citunha ceŋombe isakanaka, kana citunha ciɀinokambaira ɀisakanaka, ɀikasazikanwa naye, akaȿiɓiswa, ucaʋa nemhoȿa.

3 Kana akaŋga aɓata ɀisakanaka ɀomunhu, kana ɀiri ɀisakanaka ɀipi neɀipi akaȿiɓiswa naɀo, ɀikasazikanwa naye; kana akazoɀiziʋa, ucaʋa nemhoȿa.

4 Kana munhu akapika nomuromo wake, asiŋgafuŋgi kwaɀo, kundoita ɀakaipa kana kundoita ɀakanaka, cinhu cipi necipi caakapika, asiŋgafuŋgi kwaɀo, cikasazikanwa naye; kana akazociziʋa, ucaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo;

5 ɀino kana akaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo, unofanira kuɀireʋurura ɀaakatadza.

6 Ɀino ŋgaaʋuye necipiriso cake cemhoȿa pamberi paJehova pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza, ŋgaiʋe hadzi yeɀipfuwo ɀiɗuku, kana gwaiana kana mbudzana, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; muprista ŋgaamuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀake.

7 Kana asiŋgagoni kuʋuya negwaiana, ŋgaaʋigire Jehova njiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa, ciʋe cipiriso cemhoȿa yake yaakatadza; imŋe iʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa.

8 Ɀino ŋgaaʋuye nadzo kumuprista, iye ataŋge kuɓaya imŋe yecipiriso ceɀiʋi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa;

9 ɀino ŋgaasase ropa recipiriso ceɀiʋi kurutiʋi rweartari, asi ropa rakasara riȿinirwe mujiŋga meartari; cipiriso ceɀiʋi.

10 Yecipiri ŋgaaite nayo cipiriso cinopiswa, seɀamakarairwa; muprista amuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀaakatadza, akaŋganwirwe.

11 Asi kana akasagona kuʋuya nenjiʋa mbiri, kana notwana tuʋiri twenjiʋa, ŋgaaʋuye necipiriso cake pamsoro pokutadza kwake, ciʋe cegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; ŋgaarege kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo, nokuti cipiriso ceɀiʋi.

12 Ɀino ŋgaaʋuye nabgo kumuprista, muprista atsamure tsama imŋe yabgo, ciʋe cokuraŋgaridza caco; ɀino ŋgaabguise pamsoro peartari, seɀinoitwa neɀimŋe ɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; cipiriso ceɀiʋi.

13 Muprista unofanira kumuyananisira pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza pacinhu cimŋe caiɀoɀo, akaŋganwirwe. Ɀakasara ŋgaɀiʋe ɀomuprista, seɀinoitwa necipiriso coʋupfu.

14 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

15 Kana munhu akaɗarika, akatadza nokusaziʋa paɀinhu ɀitȿene ɀaJehova, ŋgaaʋuye kunaJehova necipiriso cemhoȿa yake, cegondobge risinemhoȿa ramakwai ake, ucimutarira mashekeri esirveri ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; ciʋe cipiriso cemhoȿa.

16 Ŋgaatsiʋe cinhu caakatadza pacinhu citȿene, awedzere paciri cimŋe ceshanu caco, acipe muprista, muprista agomuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa, akaŋganwirwe.

17 Kana munhu akatadza, akaita cinhu cimŋe ceɀinhu ɀakaŋga ɀarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa; kunyaŋge asina‐kuziʋa, unemhoȿa, mhaka unayo.

18 Ŋgaaʋuye kumuprista negondobge ramakwai ake risinemhoȿa, seɀaunofuŋga iwe, ciʋe cipiriso cemhoȿa, muprista agomuyananisira pamsoro pecinhu caakaŋga atadza nokusaziʋa, asiŋgaɀiʋi, akaŋganwirwe.

19 Cipiriso cemhoȿa; ɀirokwaɀo unemhoȿa pamberi paJehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy