Mupiro 24 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mafuta omŋenje neɀiŋgwa ɀokuratidza. 1 Jehova wakataura naMosesi, akati: 2 Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta akanaka amaorivi, akaiȿo‐naka akaȿiniwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. 3 Kunze kwecidzitiro cecipupuriro, mutente rokusoŋgana, Aroni unofanira kuigadzira kubva maɗekwana kuȿikira maŋgwanani ŋguʋa dzose pamberi paJehova; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. 4 Unofanira kugadzira mŋenje pacigadziko cakaiȿo‐naka ŋguʋa dzose pamberi paJehova. 5 Iwe unofanira kutora ʋupfu bgakatsetseka, ugoɓika nabgo ɀiŋgwa ɀinegumi neɀiʋiri; ciŋgwa cimŋe necimŋe cinofanira kuitwa neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa. 6 Unofanira kuɀigadzika patafura yakaiȿo‐naka pamberi paJehova uciita nhurikidzwa mbiri, ɀitanhatu panhurikidzwa. 7 Unofanira kuisa ʋo pamsoro penhurikidzwa imŋe neimŋe ɀinonhuwira ɀakanaka, kuti ciʋe cokuraŋgaridza ceciŋgwa, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova. 8 Musi mumŋe nomumŋe wesaɓata unofanira kuɀiroŋgedza pamberi paJehova ŋguʋa dzose; iʋe suŋgano isiŋgaperi inoitwa naʋana ʋaIsraeri. 9 Ɀinofanira kuʋa ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ʋaɀidye panɀimbo tȿene, nokuti citȿene kwaɀo kwaari pakati peɀipiriso ɀinopisirwa Jehova nomutemo usiŋgaperi. Ɀiʋi nokurobga kwaɀo. 10 Ɀino mŋanakomana womukadzi muIsraeri, asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa munhu weEgipita, wakafamba pakati paʋana ʋaIsraeri; mŋanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri pamisasa. 11 Mŋanakomana womukadzi muIsraeri akamhura zita raJehoʋa, akatuka, ʋakaenda naye kunaMosesi. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Sheromiti, mŋanasikana waDibri, worudzi rwaDani. 12 Ʋakamuisa mutoroŋgo, kuti ʋaziʋiswe ɀinorebga naJehova. 13 Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 14 Ƃuɗisa mutuki kunze kwemisasa; ɀino ʋose, ʋakamunzwa, ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamusoro wake, ʋuŋgano yose igomutaka namabge. 15 Ɀino iwe utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Aninani unotuka Mŋari wake unofanira kurobga pamsoro peɀiʋi ɀake. 16 Munhu unomhura zita raJehova, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge, kana ari mutorwa, kana ari wakaɓerekerwa munyika, kana acimhura zita raJehoʋa unofanira kuʋurawa. 17 Munhu unoroʋa mumŋe, akafa, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; 18 nomunhu unoroʋa cipfuwo, cikafa, unofanira kuciripa; ʋupenyu pacigaro coʋupenyu. 19 Kana munhu akamanikidza wokwake, seɀaakaita iye, unofanira kuitirwa ʋo; 20 kuvunika kucatsibga nokuvunika, ziso neziso, zino nezino, seɀaakamanikidza mumŋe, naiye unofanira kuitirwa saiɀoɀo. 21 Munhu unoʋuraya cipfuwo, unofanira kuripa; unoʋuraya munhu, unofanira kuʋurawa. 22 Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete kumutorwa kana kunowakaɓerekerwa panyika; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu. 23 Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakaɓuɗisa mutuki kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naMosesi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society