Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kurobga kweɀiʋi.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Ʋuye ɀe, uti kuʋana ʋaIsraeri: Aninani pakati paʋana ʋaIsraeri, kana paʋatorwa ʋagere pakati paʋaIsraeri, unopa Moreki ʋana ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanhu ʋenyika ʋanofanira kumutaka namabge.

3 Neni ʋo ndicanaŋanidza munhu uyo, ndicamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki ʋamŋe pakati paʋana ʋake, kuti aȿiɓise imba yaŋgu tȿene, nokumhura zita raŋgu dɀene.

4 Kana ʋanhu ʋenyika ʋakaita saʋasiŋgaʋoni munhu uyo, kana acipa Moreki ʋamŋe pakati paʋana ʋake, ʋakasamuʋuraya;

5 ipapo ini ndicanaŋanidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye naʋose ʋanomuteʋera pakupata naMoreki.

6 Munhu unotsaukira kumaȿikiro naʋaʋuki kuʋateʋera pakupata, ndicanaŋanidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.

7 Naiɀoɀo ɀitsaurei, muʋe ʋatȿene; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.

8 Munofanira kuceŋgeta mitemo yaŋgu, nokuiita; ndini Jehova unokutsaurai.

9 Nokuti mumŋe nomumŋe unotuka ɓaɓa ʋake, kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; munhu wakatuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, mhoȿa yeropa rake icaʋa pamsoro pake.

10 Munhu unoita ʋupombge nomukadzi womumŋe, iye unoita ʋupombge nomukadzi wowokwake, ɀirokwaɀo mhombge necifeʋe ʋose ʋacaʋurawa.

11 Munhu unoʋata nomukadzi waɓaɓa ʋake, wafukura ɓaɓa ʋake, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

12 Kana munhu akaʋata nomukadzi womŋanakomana wake, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuʋurawa; ʋakaita ɀinoyaŋgadza kwaɀo; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

13 Kana munhu akaʋata nomurume seɀinoitwa nomukadzi, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaita ɀinonyaŋgadza, ʋose ʋanofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

14 Kana munhu akatora mukadzi pamŋe cete namai ʋake, ɀakaipa; ʋanofanira kupiswa nomŋoto ʋose, iye naiʋo; kuti kurege kuʋa neɀakaipa pakati penyu.

15 Kana munhu akaʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; necipfuwo ʋo munofanira kuciʋuraya.

16 Kana mukadzi akasweɗera kucipfuwo cipi necipi kuti aʋate pamberi paco, munofanira kuʋuraya mukadzi necipfuwo; ɀirokwaɀo ɀinofanira kuʋurawa; mhoȿa yeropa raɀo icaʋa pamsoro paɀo.

17 Kana munhu akatora hanɀadzi yake, mŋanasikana waɓaɓa ʋake, kana mŋanasikana wamai ʋake, akamufukura, naiye ʋo akamufukura, cinhu cinonyadza; ʋacabviswa pamberi paʋana ʋorudzi rwaʋo; wafukura hanɀadzi yake, iye ucaʋa nemhoȿa yake.

18 Kana munhu akaʋata nomukadzi paŋguʋa yokuʋa kumŋedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; iʋo ʋaʋiri ʋose ʋanofanira kubviswa pakati porudzi rwaʋo.

19 Usafukura mainini ʋako, kana ʋatete ʋako, nokuti wafukura hama yake yomumba; ʋacaʋa nemhoȿa yaʋo.

20 Kana munhu akaʋata nomukadzi waɓaɓamunini ʋake, wafukura ɓaɓamunini ʋake; ʋacaʋa neɀiʋi ɀaʋo; ʋacafa ʋasinaʋana.

21 Kana munhu akatora mukadzi womunuŋuna wake, cinhu cinetȿina; wafukura munuŋuna wake; ʋacashaiwa ʋana.

22 Naiɀoɀo ceŋgetai mitemo yaŋgu yose, neɀose ɀandakatoŋga, kuti muɀiite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugare’mo, irege kukurutsai.

23 Musafamba netsika dzorudzi rwaʋanhu ʋandicadziŋga pamberi penyu; nokuti iʋo ʋakaita iɀoɀo ɀose, naiɀoɀo ndakaʋasema.

24 Asi ndakakuʋudzai imi, ndikati: Mucagara nhaka yenyika yaʋo, ndicakupai iyo iʋe yenyu; inyika inoyerera mukaka noʋuci; ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimŋe ndudzi.

25 Naiɀoɀo tsaurai ɀipfuwo ɀakanaka paneɀakaipa, neshiri dzakaipa panedzakanaka; kuti murege kuʋa ʋanhu ʋanonyaŋgadza neɀipfuwo, kana neshiri, kana necinhu cipi necipi cinokambaira panyika candakatsaura kwamuri ndiciti, haɀina‐kunaka.

26 Munofanira kuʋa ʋatȿene kwandiri; nokuti ini Jehova ndiri mutȿene, ndakakutsaurai pakati pedzimŋe ndudzi, kuti muʋe ʋaŋgu.

27 Murume kana mukadzi unoȿikirwa, kana uri muʋuki, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanofanira kutakwa namabge; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy