Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 17 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kwaʋanofanira kuɓayira.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Taura naAroni naʋanakomana ʋake naʋana ʋaIsraeri ʋose, uti kwaʋari: Ndiro shoko rakarairwa naJehova:

3 Munhu upi noupi kunaʋeimba yaIsraeri unoʋuraya nzombe, kana gwaiana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unoɀiʋuraya kunze kwemisasa,

4 asina‐kuɀiisa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuɀiisa pamberi petabernakeri yaJehova kuti ciʋe cipo kunaJehova, munhu uyu unofanira kubviswa pakati porudzi rwake;

5 kuti ʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye neɀiɓayiro ɀaʋo ɀaʋanoɓayira kusaŋgo, ʋaʋuye naɀo kunaJehova kumukoʋa wetente rokusoŋgana kumuprista, kuti ʋaɀiɓayire Jehova, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisira.

6 Ɀino muprista ŋgaasase ropa raɀo paartari yaJehova, pamukoʋa wetente rokusoŋgana; apise ʋo mafuta, kuti ɀinhuwire ɀakanaka pamberi paJehova.

7 Haʋafaniri kuzoɓayira nhoŋgo ɀiɓayiro ɀaʋo, idzo dzaʋaiteʋera pakupata kwaʋo. Uyo unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwaʋari kuȿikira kumarudzi aʋo ose.

8 Iwe unofanira kuti kwaʋari: Munhu upi noupi waʋeimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere pakati paʋo, unopisira cipiriso cinopiswa kana cimŋe ciɓayiro,

9 asiŋgaʋuyi naco kumukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti aciɓayire Jehova, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.


Ropa harifaniri kudyiwa.

10 Munhu upi noupi waʋeimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere pakati paʋo, unodya ropa ripi neripi, ndicatoŋga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.

11 Nokuti ʋupenyu bgenyama bguri muropa; ndakakupai iro paartari, kuti riyananisire mŋeya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuɗa kwoʋupenyu bguri’mo.

12 Naiɀoɀo ndakati kuʋana ʋaIsraeri: Kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ŋgaarege kudya ropa.

13 Munhu upi noupi kuʋana ʋaIsraeri, kana kuʋatorwa ʋagere pakati paʋo, wakaɓata pakuvima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, unofanira kuɗurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruʋa.

14 Nokuti kana bguri ʋupenyu bgenyama yose, ropa raɀo ndibgo ʋupenyu bgaɀo, naiɀoɀo ndakati kuʋana ʋaIsraeri: Regai kudya ropa raɀo; aninani unoridya unofanira kubviswa.

15 Munhu upi noupi unodya cinhu cakaŋgofa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo ucazoʋa wakanaka.

16 Asi kana asiŋgadzisuki, kana kushambidza muʋiri wake, ucafanira kuʋa nemhoȿa yake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy