Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mirairo yamaperembudzi paʋanhu napaŋguʋo.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:

2 Kana munhu anapakaɀimba kana panofunuka, kana ciʋara paganda romuʋiri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuʋiri wake, unofanira kuiswa kunaAroni muprista, kana kunomumŋe waʋanakomana ʋake ʋaprista;

3 muprista ɀino unofanira kucerekedza hosha iri paganda romuʋiri wake; kana mvere dziri panehosha dzakashanduka dzikaʋa cena, hosha ikaʋonekwa kuti yakapinda kwaɀo mukati meganda romuʋiri wake, ihosha yamaperembudzi; muprista ŋgaamucerekedze, agoreʋa kuti haana‐kunaka.

4 Kana ciʋara ciri cicena paganda romuʋiri wake, cikaʋonekwa kuti hacina‐kupinda mukati meganda kwaɀo, mvere dzisina‐kushanduka, dzikaʋa cena, muprista unofanira kupfigira munhu uyo unehosha mazuʋa manomŋe;

5 nomusi wecinomŋe muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista unofanira kumupfigira mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe;

6 ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana akaʋona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista ucareʋa kuti munhu wakanaka hake; pakaŋga pakafunuka hapo; ipapo unofanira kusuka ŋguʋo dzake agoʋa wakanaka.

7 Asi kana pakafunuka paciramba pacinyeŋga paganda, amboɀiratidza kumuprista kuti anzi wakanaka, ipapo unofanira kuɀiratidza ɀe kumuprista;

8 ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ipapo muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka, maperembudzi.

9 Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, unofanira kuiswa kumuprista;

10 ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti panapakaɀimba pacena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita cena, pakaɀimba pakaʋa nenyama yakatȿuka,

11 ndiwo maperembudzi aŋguʋa aʋa’po paganda romuʋiri wake, ɀino muprista ŋgaarege kumupfigira, nokuti haana‐kunaka, ŋgaareʋe kuti haana‐kunaka.

12 Kana maperembudzi akaɓuɗa pose‐pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu unehosha, kubva pamusoro wake kuȿikira kutsoka dzake, pose panoʋonekwa nomuprista;

13 ɀino muprista unofanira kutarira; kana akaʋona kuti maperembudzi akazadza muʋiri wake wose, unofanira kureʋa kuti munhu unehosha wakanaka, ɀose ɀashanduka ɀacena, wakanaka hake.

14 Asi kana nyama yakatȿuka ikaʋonekwa kwaari, ucaʋa usina‐kunaka;

15 Kana muprista akaʋona nyama yakatȿuka, unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; nyama yakatȿuka haina‐kunaka, maperembudzi.

16 Kana nyama yakatȿuka ikashanduka ɀe, ikaita cena, unofanira kuʋuya kumuprista.

17 Ipapo muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yashanduka, ikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti unehosha yakanaka, wakanaka hake.

18 Ɀino kana nyama inemota paganda, pakapora,

19 panɀimbo yemota pakaʋuya pakaɀimba pakacena, kana ciʋara cakaita secitȿuku, ɀinofanira kuratidzwa muprista;

20 ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dza’po dzikashanduka dzikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi yaɓuɗa napamota.

21 Asi kana muprista akapacerekedza, akaʋona kuti hakunemvere cena ipapo, pasina‐kudzika pasi peganda, asi paʋa nani; muprista unofanira kumupfigira mazuʋa manomŋe.

22 Kana pakanyeŋga pose paganda, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha.

23 Asi kana ciʋara cikarambira panɀimbo yaco, cikasanyeŋga, iʋaŋga haro remota; muprista unofanira kuti wakanaka.

24 Kana nyama yomunhu inapakatȿa paganda rake, nyama yakatȿuka ya’po ikaita ciʋara cicena cakaita secitȿuku kana cicena,

25 muprista unofanira kupacerekedza; kana akaʋona kuti mvere dzapaciʋara dzashanduka, dzikaita cena, akaʋona kuti pakaita sapakadzika paganda, aʋa maperembudzi akaɓuɗa napakatȿa; muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi.

26 Asi kana muprista akapacerekedza, akaʋona kuti hapanemvere cena paciʋara, ʋuye kuti hapanakudzika pasi peganda, asi paʋa nan hapo, muprista unofanira kumupfigira mazuʋa manomŋe.

27 Ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana pakaramba pacinyeŋga paganda, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi.

28 Kana ciʋara cikaramba ciri panɀimbo yaco, cikasanyeŋga paganda, asi caʋa nani, ndiko kuɀimba kwokutȿa hako, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake, nokuti ciʋara cokutȿa.

29 Kana murume kana mukadzi anehosha pamusoro kana pandebvu,

30 muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziri’po dziri tȿuku dzakaita secena, dziri nhete, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.

31 Kana muprista akacerekedza hosha yakafunuka, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda, pasinemvere nhema ipapo, muprista unofanira kupfigira munhu unehosha yokufunuka mazuʋa manomŋe.

32 Nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga, pasinemvere tȿuku, dzakaita secena, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda,

33 unofanira kuʋeʋurwa, asi ŋgaarege kuʋeʋura pakafunuka; ɀino muprista unofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe;

34 nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza pakafunuka; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga paganda, ʋuye kuti hapana‐kupinda mukati pasi peganda, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake; ɀino iye ŋgaasuke ŋguʋo dzake, anake.

35 Asi kana pakafunuka pakanyeŋga pose paganda shure kwokunatswa kwake;

36 muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ŋgaarege hake kutȿaka mvere tȿuku dzakaita secena; haana‐kunaka.

37 Asi kana iye akaʋona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzaɓuɗa’po, pakafunuka papora hapo, wanaka; muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake.

38 Kana murume kana mukadzi ʋaneɀiʋara paganda renyama yaʋo, ɀiri ɀiʋara ɀicena;

39 muprista unofanira kuɀicerekedza; kana akaʋona kuti ɀiʋara paganda renyama ɀiri ɀicena, ɀisiŋgabginyi, imhizi dzakaɓuɗa paganda, ʋakanaka haʋo.

40 Kana vudzi romunhu rakabva pamusoro wake, waʋa nemhazha; asi wakanaka hake.

41 Kana vudzi rake rakabva pamusoro wake necemberi, unemhazha pahuma, asi wakanaka hake.

42 Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, panehosha cena yakaita setȿuku, maperembudzi anoɓuɗa pamhazha, kana pamhazha yapahuma.

43 Ɀino muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti pakaɀimba pehosha pacena pakaita sapatȿuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,

44 munhu uyo unamaperembudzi, haana‐kunaka; muprista unofanira kureʋa kwaɀo kuti haana‐kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.

45 Ɀino munhu unamaperembudzi, unehosha iyo, ŋguʋo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevudzi romusoro wake rinofanira kusunuŋgurwa, ʋuye unofanira kufukidza muromo wake wokumsoro, agoɗanidzira, aciti: Ndakaipa, ndakaipa!

46 Mazuʋa ose aanehosha iyo, ucaʋa usina‐kunaka; haana‐kunaka; ŋgaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuʋa kunze kwemisasa.

47 Ŋguʋo ʋo inehosha yamaperembudzi, kana iri ŋguʋo yamakushe amakwai, kana iri ŋguʋo yomuceka;

48 kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yomuceka, kana yamakushe amakwai; kana yeɗebge, kana cinhu cakaitwa neɗebge;

49 kana hosha yakaita senhema, kana tȿuku paŋguʋo, kana paɗebge, kana paneɀakarukwa, kana paneɀakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa muprista;

50 ɀino muprista unofanira kucerekedza hosha iyo, agopfigira cinhu cinehosha mazuʋa manomŋe;

51 ɀino unofanira kucerekedza hosha nezuʋa recinomŋe; kana hosha yakanyeŋga paŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yeɗebge, rineɓasa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwaɀo; haina‐kunaka.

52 Ɀino unofanira kupisa ŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana ipi neipi yeɗebge, inehosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwaɀo; inofanira kupiswa nomŋoto.

53 Kana muprista akatarira, akaʋona kuti hosha haina‐kunyeŋga paŋguʋo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge;

54 muprista unofanira kuraira kuti ʋasuke cinhu cinehosha, ɀino acipfigire mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe;

55 muprista agocerekedza ɀe kana hosha yasukwa; kana akaʋona kuti hosha haina‐kushanduka ruʋara rwayo, ʋuye kuti hosha haina‐kunyeŋga, hacina‐kunaka; unofanira kucipisa nomŋoto; yapinda mukati kwaɀo, kana necapamsoro kana necapanyasi.

56 Kana muprista akacerekedza, akaʋona kuti hosha yaʋa nani pakusukwa kwayo, unofanira kubvarura ŋguʋo kupabvisa’po, kana paɗebge, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;

57 asi kana ikaramba iciʋonekwa paŋguʋo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge, ihosha inoɓuɗa; unofanira kupisa cinhu ico cinehosha nomŋoto;

58 asi ŋguʋo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana ciri cinhu cipi necipi ceɗebge, kana hosha ikabva kwaciri, cinofanira kusukwa rwecipiri, cigoʋa cakanaka.

59 Ndiwo murairo wehosha yamaperembudzi paŋguʋo yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana cinhu cipi necipi ceɗebge, kuti cigonzi cakanaka, kana hacina‐kunaka.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy