Mupiro 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mirairo yokunatswa kwaʋakadzi. 1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana mukadzi akaʋa nemimba, akapona mŋanakomana, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe, ucaʋa usina‐kunaka sapaŋguʋa yaari kumŋedzi. 3 Nomusi worusere mŋanakomana unofanira kudziŋgiswa cikanda cake capamberi. 4 Ɀino mukadzi unofanira kugara mazuʋa makumi matatu namatatu aciɀinatsa paropa rake; ŋgaarege kuɓata cinhu citȿene, kana kupinda paimba tȿene, kuȿikira mazuʋa okuɀinatsa kwake apera. 5 Asi kana akapona mŋana womusikana, ucaʋa usina‐kunaka viki mbiri, sapamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi; ŋgaagare aciɀinatsa paropa rake mazuʋa anamakumi matanhatu namatanhatu. 6 Kana mazuʋa okuɀinatsa kwake apera pakupona mŋanakomana kana mŋanasikana, ŋgaaʋuye negwaiana regore rimŋe, kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, nakana kenjiʋa, kana vukutiʋa, kuti ciʋe cipiriso ceɀiʋi, kumukoʋa wetente rokusoŋgana kumuprista; 7 agociɓayira pamberi paJehova, kumuyananisira; ɀino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kunounopona mŋana womukomana kana womusikana. 8 Kana akasakwanisa kuʋuya negwaiana, ŋgaatore njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa; imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, neimŋe cipiriso ceɀiʋi; kuti muprista amuyananisire, anake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society