Online Bible

- Reklamy -

Mika 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino mucafanira kuʋuŋgana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muʋeŋgi wakatikomba, ʋacaroʋa mutoŋgi waIsraeri netȿimbo paɗama rake.


Muɓati waIsraeri ucazoɀarwa paBeti‐rehema.

2 Asi iwe Beti‐rehema Efrata, muɗuku kwaɀo pakati peɀuru ɀamazana ɀaJuda, kwauri kucandiɓuɗira mumŋe ucaʋa muɓati pakati paIsraeri; maɓuɗiro ake ndaakare, pamazuʋa akare‐kare.

3 Naiɀoɀo ucaʋaisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo, kuȿikira paŋguʋa yokuɀara kwaiye unosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzicadzoka naʋana ʋaIsraeri.

4 Ucamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehova, noʋumambo bgezita raJehova Mŋari wake; ɀino ʋacagara ɀakanaka, nokuti ɀino ucaʋa mukuru kuȿikira kumigumo yenyika.

5 Iye ucaʋa rugare rweɗu. Kana muAsiria acipinda munyika yeɗu, kana acitsika mudzimba dzeɗu dzoʋushe, ticamutsa ʋafudzi ʋanomŋe namacinda masere pakati paʋanhu kuti ʋarwe naye.

6 Iʋo ʋacaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimrodi painopindwa napo; iye ucatirwira kumuAsiria, kana aciŋge acipinda nyika yeɗu nokutsika mukati memiganho yeɗu.

7 Ipapo ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu seɗoʋa rinobva kunaJehova, semvura inonaya paʋuswa, ɀisiŋgamiriri munhu kana kugarira ʋanakomana ʋaʋanhu.

8 Ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu, seshumba pakati pemhuka dzomuɗondo, seshumba ɗuku pakati pamapoka amakwai, inoti kana icipfuʋura’po, inotsika nokubvamburanya, kusina‐unorwira.

9 Ruʋoko rwenyu ŋgarusimudzirwe kumsoro kwaʋadziʋisi ʋenyu, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ŋgaʋaparadzwe.

10 Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaparadza mabiza enyu pakati penyu, nokuputsa ŋgoro dzenyu;

11 ndicaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose.

12 Ndicaparadza ʋuroyi pamaʋoko enyu, hamuŋgazoʋi naʋafemberi;

13 ndicaparadza mifananidzo yenyu yakaʋezwa neshoŋgwe dzenyu pakati penyu; hamuŋgazonamati maɓasa amaʋoko enyu;

14 ndicadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndicaparadza maguta enyu.

15 Ndicatsiʋa marudzi asina‐kuterera ndiciita nokutsamŋa nehasha.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy