Online Bible

- Reklamy -

Mika 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Rugare rucaʋa’po namazuʋa okupedzisira.

1 Asi namazuʋa okupedzisira gomo reimba yaJehova ricagadzwa pamisoro yamakomo, ricakwiridzwa kumsoro kweɀikomo; marudzi aʋanhu acamhanyira kwariri.

2 Marudzi mazhinji acaenda, aciti: Ʋuyai, hendei kugomo raJehova nokuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ʋuye isu ticafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndi’po pacaɓuɗa murairo, napaJerusarema shoko raJehova.

3 Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.

4 Asi mumŋe nomumŋe ucagara pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, hakuna‐uŋgazoʋatyisa, nokuti muromo waJehova wehondo wakataura iɀoɀo.

5 Nokuti marudzi ose aʋanhu anofamba, rumŋe norumŋe nezita ramŋari warwo; asi isu ticafamba nezita raJehova Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri.

6 Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuŋganidza ʋanokamhina, ndicaʋuŋganidza ʋakadziŋgwa, naʋakatambudzwa neni;

7 ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi.

8 Ɀino iwe, rutura rwamakwai, iwe cikomo comukunda weZioni, ɀicaȿika kwauri, ɀirokwaɀo ʋushe bgokutaŋga ʋucaȿika, ibgo ʋushe bgomukunda weJerusarema.

9 Ɀino munoɗanidzireiko? Hakunamambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, ɀamaɓatwa nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka?

10 Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako.

11 Ɀino marudzi mazhinji aʋanhu akakuʋuŋganira, anoti: Ŋgaaȿiɓiswe, meso eɗu ŋgaaʋone Zioni.

12 Asi haʋaziʋi ɀinofuŋgwa naJehova, haʋanzwisisi ɀaakatema; nokuti wakaʋaʋuŋganidza semŋanda paɓuriro.

13 Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyaŋga rwako ndicaruita ɗare, ʋuye mahwanda ako ndicaaita ndarira; ucaputsanya marudzi mazhinji; ɀaʋakaɀiwanira ndicaɀitsaurira Jehova, fuma yaʋo ndicapa Ishe wenyika yose.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy