Mateo 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi. ( Mar 1:40–45 ; Ruka 5:12–14 ) 1 Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. 2 Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. 3 Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. 4 Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Jesu unoporesa muranda womukuru wezana. ( Ruka 7:1–10 ) 5 Wakati apinda Kapernaume, mumŋe mukuru wezana akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, 6 aciti: Ishe, muranda waŋgu uʋete kumba, akafa mitezo, asi unotambudzika kwaɀo. 7 Akati kwaari: Ndicaʋuya kuzomuporesa. 8 Mukuru wezana akapindura, akati: Ishe, handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; asi taurai henyu shoko rimŋe cete, muranda waŋgu ucapora. 9 Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita. 10 Jesu, wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa, akati kunaʋakaŋga ʋaciteʋera: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri. 11 Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga, 12 asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. 13 Ɀino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora neŋguʋa iyo. Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro. ( Mar 1:29–34 ; Ruka 4:38–41 ) 14 Jesu, wakati acipinda mumba maPetro, akaʋona mai ʋomukadzi wake ʋaʋete, ʋacinzwa fiviri. 15 Akaɓata ruʋoko rwaʋo, fiviri ikabva kwaʋari, ʋakasimuka, ʋakamushandira. 16 Aʋa maɗekwana, ʋakaʋuya kwaari naʋazhinji ʋaiʋa nemŋeya yakaipa; akaɓuɗisa mŋeya neshoko, akaporesa ʋose ʋairwara. 17 Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu. Kuteʋera Jesu. ( Ruka 9:57–62 ) 18 Jesu, wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋakamukomba, akaraira kuti ʋayambukire mhiri. 19 Ɀino mumŋe munyori akaʋuya akati kwaari: Mudzidzisi, ndicakuteʋerai kwose kwamunoenda. 20 Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere: asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. 21 Mumŋe waʋadzidzi akati kwaari: Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. 22 Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo. Jesu unonyaradza ɗutu remhepo. ( Mar 4:35–41 ; Ruka 8:22–25 ) 23 Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. 24 Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete. 25 Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa! 26 Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po. 27 Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa? Jesu unoɓuɗisa mŋeya yakaipa panyika yaʋaGadara. ( Mar 5:1–20 ; Ruka 8:26–39 ) 28 Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo. 29 Ɀino ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Tinemhaka yeiko nemi, Mŋanakomana waMŋari? Maʋuya pano kuzotirwadzisa, ŋguʋa isati yaȿika here? 30 Kwakaŋga kuneɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura kure naʋo. 31 Mŋeya yakaipa ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Kana mucitiɓuɗisa, mutitumire kuɓoka reŋguruʋe. 32 Akati kwairi: Endai. Ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rose rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzikafira mumvura. 33 Ipapo ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakaenda kuguta, ʋakataura ɀose, neɀakaitirwa ʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa. 34 Ɀino guta rose rikaɓuɗa kundosoŋgana naJesu; ʋakati ʋacimuʋona, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society