Online Bible

- Reklamy -

Mateo 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mharidzo pagomo: Kutoŋga ʋamŋe.

1 Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa;

2 nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco.

3 Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako?

4 Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako?

5 Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.

6 Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai.


Kutsuŋga pakunyeŋgetera.

7 Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa.

8 Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa.

9 Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge?

10 Kana akakumbira hoʋe, uŋgamupa nyoka?

11 Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari!

12 Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita.


Nzira mbiri.
( Ruka 13:24–30 )

13 Pindai nesuʋo rakamanikana; nokuti suʋo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; ʋanopinda naro ʋazhinji.

14 Nokuti suʋo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuʋupenyu, ʋanoiwana ʋashoma.


Ʋadzidzisi ʋenhema.

15 Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.

16 Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato?

17 Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa.

18 Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka.

19 Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.

20 Saka mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo.


Kunzwa nokuita.

21 Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.

22 Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here?

23 Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama.

24 Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akaaita, uŋgafananidzwa nomurume wakacenjera, wakaʋaka imba yake paruware.

25 Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo; ikasawa, nokuti yakaŋga yakateyiwa paruware.

26 Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca.

27 Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru.

28 Jesu wakati apedza mashoko iwaya, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake;

29 nokuti wakaŋga aciʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori ʋaʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy