Mateo 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kuidzwa kwaJesu. ( Mar 1:12 , 13 ; Ruka 4:1–13 ) 1 Ɀino Jesu wakatuŋgamirirwa noMŋeya kurenje, kuzoidzwa naDiaborosi. 2 Wakati aɀinyima ɀokudya mazuʋa anamakumi manna, noʋusiku bgunamakumi manna, akabva oziya. 3 Ɀino muidzi akaʋuya kwaari, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, taura kuti mabge awa ɀiʋe ɀiŋgwa. 4 Asi wakapindura, akati: Kwakanyorwa kucinzi: Munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi, asi namashoko ose anoɓuɗa mumuromo waMŋari. 5 Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere, 6 akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi: Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Pamaʋoko avo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. 7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako. 8 Diaborosi akamuisa ɀe pagomo refu‐refu, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika, nokubginya kwabgo; 9 akati kwaari: Iɀi ɀose ndicakupa, kana ukawira pasi ukandinamata. 10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. 11 Ɀino Diaborosi akamurega, ʋatumŋa ʋakaʋuya ʋakamushumira. Jesu paGarirea. Ʋadzidzi ʋokutaŋga. ( Mar 1:14 ; Ruka 4:14 ; 5:1–11 ) 12 Jesu wakati anzwa kuti Johane wasuŋgwa, akaenda Garirea. 13 Ɀino, wakabva Nazareta, akandogara Kapernaume paguŋgwa, munyika yeZaburoni neNeftarimi; 14 kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: 15 Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi, Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni; 16 Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima Ʋakaʋona ciedza cikuru; Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Ciedza cakaʋaɓuɗira. 17 Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo. 18 Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. 19 Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. 20 Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. 21 Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. 22 Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera. 23 Jesu akapota neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, aciporesa hosha dzose namarwere ose aʋanhu. 24 Mukurumbira wake ukanzwika kunyika yose yeSiria; ʋakaʋuya kwaari naʋairwara ʋose, naʋakaɓatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzi, naʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa, naʋaneɀipusha, naʋakaŋga ʋakafa mitezo, akaʋaporesa. 25 Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaibva Garirea, neDekapori, neJerusarema, neJudea, nemhiri kwaJo ridani ʋakamuteʋera. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society