Online Bible

- Reklamy -

Mateo 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Johane Mubapatidzi.
( Mar 1:1–8 ; Ruka 3:1–18 ; Joh 1:6–8 , 19–36 ; 3:23–32 )

1 Namazuʋa iwayo Johane mubapatidzi wakaʋuya aciparidza parenje reJudea, aciti:

2 Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bg sweɗera pedyo.

3 Nokuti uyu ndi wakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Inzwi rounoɗana murenje: Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.

4 Iye Johane waiʋa neŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda paciʋuno cake; ɀokudya ɀake ɀaiʋa mhashu noʋuci bgeɓundo.

5 Ɀino ʋeJerusarema neJudea rose ʋakaɓuɗira kwaari, nenyika yose yapaJordani;

6 ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo.

7 Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?

8 Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka.

9 Musafuŋga kutaura mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri, Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa.

10 Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.

11 Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.

12 Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura, asi hundi ucaipisa mumŋoto usiŋgadzimŋi.


Kubapatidzwa kwaJesu.
( Mar 1:9–11 ; Ruka 3:21 , 22 ; Joh 1:31–34 )

13 Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye.

14 Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei?

15 Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.

16 Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake.

17 Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy