Online Bible

- Reklamy -

Mateo 28 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kumuka kwaJesu, nokuɀiratidza kwake.
( Mar 16:1–8 ; Ruka 24:1–49 ; Joh 20:1–23 )

1 Nokupera kwesaɓata, kwoedza, nomusi wokutaŋga weviki, Maria Magdarene, nomumŋe Maria, ʋakaʋuya kuzoʋona bgiro.

2 Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro.

3 Kuʋonekwa kwake kwakaŋga kwakaita semheni, neɀokufuka ɀake ɀaiʋa ɀicena secando.

4 Ɀino ʋarindi ʋakaɗeɗera ʋacimutya, ʋakaita saʋakafa.

5 Ɀino mutumŋa akapindura, akati kuʋakadzi: Musatya imi, nokuti ndinoziʋa kuti munotȿaka Jesu, wakaŋga akaroʋerwa pamucinjikwa.

6 Haa’po pano, nokuti wakamuka, seɀaakareʋa. Ʋuyai, muʋone pakaŋga paʋete Ishe.

7 Kurumidzai muende mundoʋudza ʋadzidzi ʋake, kuti wakamuka kuʋakafa; tarirai unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’po. Tarirai, ndakuʋudzai.

8 Ɀino ʋakakurumidza kubva pabgiro, ʋacitya nokufara ɀikuru, ʋakamhanyira kundoʋudza ʋadzidzi ʋake.

9 Ɀino tarira, Jesu wakasoŋgana naʋo, akati: Kwaziwai! Ʋakaʋuya, ʋakaɓata tsoka dzake, ʋakamunamata.

10 Ɀino Jesu akati kwaʋari: Musatya, endai mundoʋudza hama dzaŋgu, kuti ʋaende Garirea, ʋagondiʋona’ko.

11 Ɀino ʋaciri munzira, ʋamŋe ʋarindi ʋakaȿika muguta, ʋakaʋudza ʋaprista ʋakuru ɀose ɀakaitwa.

12 Ʋakati ʋaʋuŋgana naʋakuru, ʋakaraŋgana, ʋakapa ʋarwi mari zhinji,

13 ʋaciti: Taurai muciti: Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋusiku ʋakamuɓa, isu tiʋete.

14 Kana ɀikanzwika nomuɓati, ticamutendisa, imi murege kusundirwa mhoȿa.

15 Ɀino ʋakatora mari, ʋakaita seɀaʋakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati paƲaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi.

16 Ɀino ʋadzidzi ʋanegumi nomumŋe ʋakaenda Garirea, kugomo raʋakarairwa naJesu.

17 Ʋakati ʋacimuʋona, ʋakamunamata, asi ʋamŋe ʋakanyunyuta.

18 Ipapo Jesu wakaȿika, akataura kwaʋari, akati: Ndakapiwa simba rose kuɗeŋga napanyika.

19 Endai naiɀoɀo, mudzidzise marudzi ose, muʋabapatidze muzita raƂaɓa, neroMŋanakomana, neroMŋeya Mutȿene;

20 muʋadzidzise kuceŋgeta ɀose ɀandakakurairai imi; tarirai, ndinemi mazuʋa ose, kuȿikira pakuguma kwenyika.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy