Mateo 26 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)ƲaJuda ʋanoraŋgana kuʋuraya Jesu. ( Mar 14:1 , 2 ; Ruka 22:1 , 2 ) 1 Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose, akati kuʋadzidzi ʋake: 2 Munoziʋa kuti kana mazuʋa maʋiri apfuʋura paseka inoȿika, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋatoŋgi, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. 3 Ɀino ʋaprista ʋakuru, naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuŋgana muruʋazhe rwomuprista mukuru, wainzi Kayafasi. 4 Ʋakaraŋgana kuti ʋaɓate Jesu namano, ʋagomuʋuraya. 5 Asi ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Jesu unozodzwa nomukadzi paBetania. ( Mar 14:3–9 ; Joh 12:1–8 ) 6 Ɀino Jesu wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, 7 mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya. 8 Asi ʋadzidzi ʋake ʋaciɀiʋona, ʋakafa neshuŋgu, ʋakati: Kuparadzwa kwakaɗaro kwaitirweiko? 9 Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa nemari zhinji, ikapiwa ʋarombo. 10 Asi Jesu, aciɀinzwa, akati kwaʋari: Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira ɓasa rakanaka. 11 Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. 12 Nokuti ɀaakaɗira cizoro ici pamuʋiri waŋgu, wakaɀiitira kuʋigwa kwaŋgu. 13 Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri iyi panyika dzose, iɀi ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Judasi Iskarioti unotȿaka kuteŋgesa Jesu. ( Mar 14:10 , 11 ; Ruka 22:3–6 ) 14 Ɀino mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wainzi Judasi Iskarioti, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, 15 akati: Mucandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Ʋakamuyerera masirveri anamakumi matatu. 16 Ɀino kubva ipapo akatȿaka ŋguʋa yakafanira yokumuisa kwaʋari nayo. Paseka neCirayiro. ( Mar 14:12–26 ; Ruka 22:7–23 ) 17 Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Munoɗa kuti tikugadzirireipiko pamuŋgadya paseka? 18 Akati: Endai muguta kunanyakuti, muti kwaari: Ɀanzi noMudzidzisi: Ŋguʋa yaŋgu yaʋa pedyo; ndicadya paseka paimba yako, naʋadzidzi ʋaŋgu. 19 Ʋadzidzi ʋakaita paʋakarairwa napo naJesu, ʋakagadzira paseka. 20 Aʋa maɗekwana, akagara pakudya naʋadzidzi ʋanegumi naʋaʋiri. 21 Ʋakati ʋacidya, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira. 22 Ɀino ʋakaʋa neshuŋgu kwaɀo, ʋakataŋga mumŋe nomumŋe kutaura kwaari, aciti: Ishe, ndini here? 23 Akapindura, akati: Waisa ruʋoko neni mundiro, ndiye ucandipandukira. 24 Mŋanakomana womunhu ucaenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; ɀaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. 25 Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, akapindura, akati: Rabi, ndini here? Akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura. 26 Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. 27 Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, aciti: Inwai mose pauri. 28 Nokuti ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rakaɗururirwa ʋazhinji kuti ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. 29 Asi ndinoti kwamuri: Handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro nemi, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaƂaɓa ʋaŋgu. 30 Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa ʋakaenda kugomo reMiorivi. Jesu unoʋudza Petro kuti ucamuramba ( Mar 14:27–31 ; Ruka 22:31–34 ; Joh 13:36–38 ) 31 Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri ʋusiku bguno; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai eɓoka acaparadzwa. 32 Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea. 33 Ɀino Petro wakapindura, akati kwaari: Kana ʋose ʋakagumburwa kwamuri, ini handiŋgatoŋgogumburwi. 34 Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. 35 Petro akati kwaari: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Ʋadzidzi ʋose ʋakaɗaro ʋo. Jesu muGetsemani. ( Mar 14:32–42 ; Ruka 22:39–46 ) 36 Ɀino Jesu wakaȿika naʋo panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi: Garai pano, ini ndicaenda kundonyeŋgetera uko. 37 Akatora Petro naʋanakomana ʋaZebedi ʋaʋiri, akataŋga kuʋa neshuŋgu nokuɗumbirwa. 38 Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano, murinde neni. 39 Akapfuʋura mberi ɀishomanene, akawira pasi neciso cake, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana ɀicibvira, mukombe uyu ŋgaupfuʋure kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro kurege kuʋa kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwenyu. 40 Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? 41 Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. 42 Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe. 43 Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata; nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope. 44 Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo 45 Ɀino akaenda kuʋadzidzi, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; tarirai, ŋguʋa yaȿika, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. 46 Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo. Kusuŋgwa kwaJesu. ( Mar 14:43–50 ; Ruka 22:47–53 ; Joh 18:1–11 ) 47 Acataura, tarira Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaɓata minondo, netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu. 48 Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandicaȿeta, ndiye; mumuɓate. 49 Pakarepo akaȿika kunaJesu, akati: Kwaziwai, Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. 50 Jesu akati kwaari: Shamŋari, ita ɀawaʋiŋga. Ipapo ʋakaʋuya, ʋakaisa maʋoko kunaJesu, ʋakamuɓata. 51 Ɀino tarira, mumŋe waʋaiʋa naJesu, akatambanudza ruʋoko rwake, akavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. 52 Ɀino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti ʋose ʋanoɓata munondo, ʋacafa nomunondo. 53 Unofuŋga here kuti handigoni kukumbira kunaƂaɓa ʋaŋgu, ʋakandipa ikoɀino ʋatumŋa ʋanopfuʋura mapoka makuru‐kuru anegumi namaʋiri? 54 Magwaro aŋgagoitika seiko, anoti ɀinofanira kuitwa kuɗaro? 55 Neŋguʋa iyo Jesu akati kuʋanhu ʋazhinji: Maɓuɗa neminondo netȿimbo kuzondiɓata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuʋa ose, ndicidzidzisa, mukasandiɓata. 56 Asi iɀi ɀose ɀaitwa kuti magwaro aʋaprofita aitike. Ɀino ʋadzidzi ʋose ʋakamusiya, ʋakatiza. Jesu pamberi paKayafasi naʋakuru. ( Mar 14:53–65 ; Ruka 22:63–71 ; Joh 18:12–27 ) 57 Aʋo, ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuisa kunaKayafasi, muprista mukuru, apo pakaŋga paʋuŋgana ʋanyori naʋakuru. 58 Asi Petro wakamuteʋera ari kure, kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru, akapinda mukati, akagara naʋatariri kuzoʋona kupera kwaɀo. 59 Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka ʋucapupu bgenhema kuti ʋapomere Jesu, ʋamuʋuraye; 60 asi haʋana‐kuwana, kunyaŋge ɀapupu ɀizhinji ɀenhema ɀakaʋuya. Pashure ɀiʋiri ɀakaȿika, ɀikati: 61 Munhu uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMŋari, ndikaiʋaka ɀe namazuʋa matatu. 62 Ɀino muprista mukuru akasimuka, akati kwaari: Haupinduri cinhu here? Cinyiko ici caʋanokupomedzera? 63 Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari: Ndinokupikisa naMŋari mupenyu, kuti utiʋudze kana uri Kristu, Mŋanakomana waMŋari. 64 Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura; asi ndinoti kwamuri: Kubva ɀino mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga. 65 Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Wamhura Mŋari! Ticatȿakireiko ɀapupu? Tarirai, manzwa ɀino kumhura kwake. 66 Munoti kuɗiniko? Ʋakapindura, ʋakati: Unofanira kufa. 67 Ɀino ʋakamupfira mate paciso, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋamŋe noruʋoko, 68 ʋaciti: Profita, iwe Kristu, kuti ndiani wakuroʋa. Kuramba kwaPetro. ( Mar 14:66–72 ; Ruka 22:54–62 ; Joh 18:16–18 , 25–27 ) 69 Petro wakaŋga agere panze paruʋazhe. Ɀino mushandiri akaʋuya kwaari, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weGarirea. 70 Asi iye wakaramba pamberi paʋose, aciti: Handiziʋi ɀaunoreʋa. 71 Ɀino wakati aɓuɗa pasuʋo, mumŋe mushandiri akamuʋona, akati kunaʋaiʋa’po: Uyu munhu wakaŋga anaJesu weNazareta. 72 Akaramba ɀe nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. 73 Caʋa ciŋguʋa ʋakaŋga ʋamire’po ʋakaʋuya, ʋaciti kunaPetro: Ɀirokwaɀo, newe ʋo uri mumŋe waʋo, nokuti kutaura kwako kunokuziʋisa. 74 Ɀino wakataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. Pakarepo joŋgwe rikarira. 75 Ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga naJesu, rokuti: Joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Ipapo akaɓuɗa panze, akandocema ɀikuru. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society