Mateo 25 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mufananidzo waʋasikana ʋanegumi. 1 Ɀino ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa naʋasikana ʋanegumi, ʋakatora mŋenje yaʋo, ʋakaɓuɗa kundociŋgamidza cikomba. 2 Ʋashanu ʋaʋo akaŋga ari mapenzi, ʋashanu ʋakaŋga ʋakacenjera. 3 Nokuti mapenzi akatora mŋenje yawo, akasatora mafuta. 4 Asi ʋakacenjera ʋakatora mafuta mumidziyo yaʋo nemŋenje yaʋo. 5 Ɀino, cikomba cakati cicinonoka, ʋakakotsira ʋose, ʋakaʋata. 6 Pakati poʋusiku ʋakanzwa mhere‐mhere: Cikomba coʋuya! Ƃuɗai mumuciŋgamidzei! 7 Ɀino ʋasikana ʋose ʋakamuka, ʋakagadzira mŋenje yaʋo. 8 Mapenzi akati kunaʋakacenjera: Tipeiʋo mamŋe mafuta enyu, nokuti mŋenje yeɗu yodzima. 9 Asi ʋakacenjera ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ɀimŋe haaŋgakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunaʋanoteŋgesa, muɀiteŋgere. 10 Ʋakati ʋacienda kundoteŋga, cikomba ndokuȿika; ɀino, ʋakaŋga ʋakaɀigadzira ʋakapinda naco pamutambo wokuwana, mukoʋa ukapfigwa. 11 Pashure ʋamŋe ʋasikana ʋakaȿika, ʋakati: Ishe, Ishe, tizarurirei! 12 Akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handikuziʋiyi imi. 13 Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi zuʋa kana ŋguʋa. Mufananidzo wamatarenta. 14 Nokuti ɀakafanana nomunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akaɗana ʋaranda ʋake, akaʋapa fuma yake. 15 Akapa mumŋe matarenta mashanu, mumŋe maʋiri, mumŋe rimŋe, mumŋe nomumŋe ɀakakwanira simba rake; akaenda kuneimŋe nyika. 16 Pakarepo iye, wakapiwa matarenta mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamŋe mashanu. 17 Saiɀoɀo ʋo, wakapiwa maʋiri, wakawana mamŋe maʋiri. 18 Asi wakapiwa rimŋe, wakaenda, akacera pasi, akaʋiga mari yashe wake. 19 Ŋguʋa huru yakati yapfuʋura, ishe waʋaranda iʋaʋo akaȿika, akagadzira mashoko naʋo. 20 Wakaŋga apiwa matarenta mashanu, akaʋuya namamŋe matarenta mashanu, akati: Ishe, makandipa matarenta mashanu, tarirai, ndawana mamŋe matarenta mashanu. 21 Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. 22 Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri. 23 Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. 24 Wakaŋga apiwa tarenta rimŋe, naiye akaʋuya ʋo, akati: Ishe, ndakaŋga ndicikuziʋai imi, kuti muri munhu unehasha, munoceka pamusati makadɀara, munoʋuŋganidza pamusati makakusha; 25 ɀino ndakatya, ndikandoʋiga tarenta renyu pasi; heco, cinhu cenyu! 26 Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha; 27 saka waifanira kuisa mari yaŋgu kunaʋebaŋga, kuti pakuȿika kwaŋgu ndiŋgaɗai ndapiwa ɀaŋgu ɀawanda. 28 Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. 29 Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. 30 Ƃuɗisirai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Kutoŋga kukuru. 31 Ɀino kana Mŋanakomana womunhu aciʋuya nokubginya kwake, naʋatumŋa ʋose ʋanaye, ucagara pacigaro cake coʋushe cinobginya; 32 namarudzi ose acaʋuŋganidzwa pamberi pake; ucaʋaraʋura somufudzi unoraʋura makwai nembudzi. 33 Ucaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruɓoshwe. 34 Ɀino Ishe ucati kunaʋari kurudyi: Ʋuyai imi, makaropafadzwa naƂaɓa, mugare nhaka yoʋushe bgakagadzirirwemi kubva pakuʋamba kwenyika. 35 Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukandigamucira; 36 ndakaŋga ndisineŋguʋo, mukandipfekedza; ndakaŋga ndicirwara, mukandifambira; ndakaŋga ndiri mutoroŋgo, mukaʋuya kwandiri. 37 Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa? 38 Takakuʋonai riniko muri mŋeni, tikakugamucirai? kana musineŋguʋo, tikakupfekedzai? 39 Takakuʋonai riniko mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikaʋuya kwamuri? 40 Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni. 41 Ɀino ucati kunaʋari kuruɓoshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumŋoto usiŋgaperi, wakagadzirirwa Diaborosi naʋatumŋa ʋake. 42 Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukasandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukasandipa cokunwa; 43 ndakaŋga ndiri mŋeni, mukasandigamucira; ndisineŋguʋo, mukasandipfekedza; ndicirwara, nomutoroŋgo, mukasandifambira. 44 Ɀino naiʋaʋa ʋacapindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, kana munenyota, kana muri mŋeni, kana musineŋguʋo, kana mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikasakushumirai? 45 Ɀino ucaʋapindura, aciti: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, pamusati makaɀiitira mumŋe waʋaɗuku aʋa, hamuzakaɀiitireni. 46 Aʋa ʋacaenda kukurobga kusiŋgaperi; asi ʋakarurama kuʋupenyu bgusiŋgaperi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society