Mateo 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋacenjeri ʋamabʋazuʋa. 1 Jesu wakati aɓerekwa paBetrehema reJudea, pamazuʋa amambo Herode, tarira, ʋacenjeri ʋakaȿika Jerusarema ʋacibva mabvazuʋa, 2 ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata. 3 Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. 4 Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi. 5 Ʋakati kwaari: PaBetrehema reJudea; nokuti ndiɀo ɀakanyorwa nomuprofita, ɀicinzi: 6 Newe Betrehema, nyika yeJudea, Hauzi muɗuku kwaɀo kuʋaɓati ʋaJuda; Nokuti kwauri Kucaɓuɗa Mutuŋgamiriri, Ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. 7 Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, 8 akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata. 9 Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana. 10 Ʋakati ʋaʋona nyeredzi. ʋakafara nomufaro mukuru‐kuru. 11 Ʋakapinda mumba, ʋakawana mŋana naMaria mai ʋake; ʋakawira pasi, ʋakamunamata; ʋakasunuŋgura fuma yaʋo, ʋakamupa ɀipo ɀendarama, neɀinonhuwira, nemura. 12 Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira. Kutizira Egipita nokuʋurawa kwaʋana. 13 Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. 14 Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, 15 akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. 16 Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri. 17 Ɀikaitika ɀakarebga nomuprofita Jeremia, aciti: 18 Inzwi rakanzwika muRama, Rokucema nokurira kukuru; Rakeri acicema ʋana ʋake, Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po. Kudzoka paEgipita. 19 Herode wakati afa, tarira, mutumŋa waShe akaʋonekwa naJosefa pakurota paEgipita, 20 akati: Simuka, utore mŋana namai ʋake, uende kunyika yaʋaIsraeri, nokuti ʋaitȿaka kuʋuraya mŋana ʋafa. 21 Akasimuka, ndokutora mŋana namai ʋake, akaȿika kunyika yaʋaIsraeri. 22 Asi, wakati acinzwa kuti Arkerao waʋa mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Herode, akatya kuenda’ko; akanyeʋerwa pakurota, akaenda kumatiʋi enyika yeGarirea; 23 akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti ɀakarebga naʋaprofita ɀiitike, kuti ucanzi muNazareta. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society