Mateo 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jesu unotuka ʋanyori naʋaFarise pamsoro petsika dzaʋo. ( Mar 7:1–23 ) 1 Ɀino ʋaFarise naʋanyori ʋakaʋuya kunaJesu ʋacibva Jerusarema, ʋakati: 2 Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoɗarikireiko tsika dzaʋakuru, nokuti haʋashambi maʋoko kana ʋacidya ɀokudya? 3 Akapindura, akati kwaʋari: Nemi ʋo munoɗarikireiko murairo waMŋari nokuɗa kwetsika dzenyu? 4 Nokuti Mŋari wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako; ʋuye, Unotuka ɓaɓa kana mai, ŋgaafe norufu. 5 Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari, 6 haacakudzi ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, asi haanemhoȿa. Makatorera murairo waMŋari simba netsika dzenyu. 7 Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti: 8 Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni. 9 Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu. 10 Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: 11 Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. 12 Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? 13 Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. 14 Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. 15 Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. 16 Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? 17 Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? 18 Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. 19 Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; 20 ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu. Jesu unoporesa mŋanasikana womukadzi weKanani. ( Mar 7:24–30 ) 21 Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. 22 Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. 23 Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. 24 Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. 25 Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. 26 Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. 27 Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. 28 Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo. Jesu unoporesa ʋazhinji. ( Mar 7:31–37 ) 29 Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi. 30 Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa. 31 Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri. Ʋaneɀuru ɀinna ʋanopiwa ɀokudya naJesu. ( Mar 8:1–9 ) 32 Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira. 33 Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? 34 Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene. 35 Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi; 36 akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. 37 Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere. 38 Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. 39 Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society