Online Bible

- Reklamy -

Mateo 11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Jesu wakati apedza kuraira ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akapfuʋura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta aʋo.


Johane Mubapatidzi unotuma ʋadzidzi kubʋunza Jesu.
( Ruka 7:18–35 )

2 Ɀino Johane, ari mutoroŋgo, wakaŋga anzwa maɓasa aKristu, akatuma shoko naʋadzidzi ʋake,

3 aciti kwaari: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe?

4 Jesu akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamunonzwa neɀamunoʋona;

5 ɀokuti, mapofu anoȿinudzwa, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri.

6 Wakaropafadzwa iye usiŋgagumbuswi neni.

7 Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here?

8 Ko makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋanopfeka ŋguʋo nyoro ʋari mudzimba dzamadzimambo.

9 Asi makaŋga maɓuɗireiko? Kuzoʋona muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri, unopfuʋura kwaɀo muprofita.

10 Nokuti ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako.

11 Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakuna‐kumuka mukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga mukuru kwaari.

12 Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba.

13 Nokuti ʋaprofita ʋose nomurairo ʋakaprofita kuȿikira kunaJohane.

14 Kana muciɗa kuɀigamucira, ndiye Eria wakaŋga acinzi unoʋuya.

15 Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

16 Asi ndicafananidza rudzi urwu neiko? rwakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzira kushamŋari dzaʋo, ʋaciti:

17 Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema.

18 Nokuti Johane wakaʋuya, asiŋgadyi, asiŋganwi, ɀino ʋanoti: Unomŋeya wakaipa.

19 Mŋanakomana womunhu wakaʋuya, acidya, acinwa, ɀino ʋoti: Tarirai munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi! Kucenjera kwakaruramiswa namaɓasa ako.


Jesu unotuka maguta matatu akamuramba.
( Ruka 10:13–15 )

20 Ɀino wakataŋga kutuka maguta makaŋga maitwa maɓasa ake esimba mazhinji, nokuti haana‐kutendeʋuka, akati:

21 Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋanamasaga neɗota.

22 Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidoni acarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋuremi.

23 Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi.

24 Asi ndinoti kwamuri: Nyika yeSodoma icarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋura iwe.

25 Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece.

26 Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai.

27 Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye.


Joko raJesu.

28 Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai.

29 Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu.

30 Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy