Mariko 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋaneɀuru ɀinna ʋanopiwa ɀokudya naJesu. ( Mat 15:32–39 ) 1 Namazuʋa iwayo ɀe kwakaŋga kunaʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋasinaɀaʋaŋgadya, akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: 2 ndinetsitsi naʋanhu ʋazhinji, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya. 3 Kana ndikaʋaendisa kumusha kwaʋo ʋanenzara, ʋacaziya panzira; ʋamŋe ʋaʋo ʋanobva kure. 4 Ʋadzidzi ʋake ʋakapindura, ʋakati kwaari: Munhu uŋgawanepiko murenje muno, ɀiŋgwa ɀiŋgagutisa ʋanhu aʋa? 5 Akaʋabvunza, akati: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe. 6 Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi, akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaise pamberi paʋo; ʋakaɀiisa pamberi paʋazhinji. 7 Ʋuye ʋakaŋga ʋanehoʋe ɗuku shomanene; ɀino akadziropafadza, akati ɀiiswe ʋo pamberi paʋo. 8 Ʋakadya, ʋakaguta, ndokuʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe. 9 Ʋaneŋge ʋaiʋa ɀuru ɀinna; akaʋaendisa. 10 Pakarepo akapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akaȿika kumatiʋi enyika yeDarmanuta. Jesu unoramba kuratidza ciratidzo. ( Mat 16:1–4 ) 11 Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakataŋga kuita nyaya naye, ʋacitȿaka kwaari ciratidzo cinobva kuɗeŋga, ʋacimuidza. 12 Akagomera ɀikuru pamŋeya wake, akati: Rudzi urwu runotȿakireiko ciratidzo? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgapiwi ciratidzo. 13 Ipapo akaʋasiya, akapinda ɀe mugwa, akayambukira mhiri. Jesu unoɗudzira shoko rembiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. ( Mat 16:5–12 ) 14 Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. 15 Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. 16 Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa. 17 Ɀino Jesu wakati aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Munoraŋgana nemhaka yeiko kuti hamuneɀiŋgwa? Hamuziʋi, nokunzwisisa here? Mŋoyo yenyu iciri mikukutu here? 18 Ɀamunameso, hamuʋoni here? Ɀamunenzeʋe, hamunzwi here? Hamuraŋgariri here? 19 Musi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀishanu ɀiŋgwa ɀishanu, makanoŋga mateŋgu maŋganiko azere neɀimeɗu? Ʋakati kwaari: Gumi namaʋiri. 20 Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe. 21 Akati kwaʋari: Ko hamunzwisisi naɀino here? Jesu unoȿinudza ɓofu paBetsaida. 22 Ɀino ʋakaȿika Betsaida; ʋakaʋuya neɓofu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, kuti amunyaŋgate. 23 Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here? 24 Iye akatarira, akati: Ndinoʋona ʋanhu, ndinoʋaʋona ʋacifamba ʋakafanana nemiti. 25 Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka. 26 Akamuendisa kumba kwake akati: Usatoŋgopinda mumusha. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu. ( Mat 16:13–20 ; Ruka 9:18–22 ; Joh 6:68 , 69 ) 27 Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko? 28 Ʋakapindura ʋaciti kwaari: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe, Eria, ʋamŋe ɀe, mumŋe waʋaprofita. 29 Ɀino akaʋabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. 30 Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake. 31 Ɀino akataŋga kuʋadzidzisa kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji nokurashwa naʋakuru, naʋaprista ʋakuru, naʋanyori, aʋurawe, amuke ɀe mazuʋa matatu apfuʋura. 32 Akataura shoko iro pacena. Ɀino Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira. 33 Asi iye wakatendeʋuka, ndokutarira ʋadzidzi ʋake, akaraira Petro, akati: Ibva shure kwaŋgu, Satani, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu. Kuteʋera Jesu. ( Mat 16:24–27 ; Ruka 9:23–26 ) 34 Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. 35 Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, ucabguponesa. 36 Nokuti munhu ucagoɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? 37 Nokuti munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake? 38 Nokuti aninani unonyara pamsoro pamashoko aŋgu parudzi urwu rwoʋupombge nokutadza, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake, musi waanoʋuya nokubginya kwake naƂaɓa ʋake naʋatumŋa ʋatȿene. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society