Mariko 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jesu unotuka ʋaFarise naʋanyori pamsoro petsika dzaʋo. ( Mat 15:1–20 ) 1 Ɀino ʋaFarise naʋamŋe ʋaʋanyori ʋaibva Jerusarema, ʋakaʋuŋganira kwaari; 2 ʋakaʋona ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋacidya namaʋoko anetȿina, ndokuti asina‐kushambga. 3 Nokuti ʋaFarise, naʋaJuda ʋose haʋadyi ʋasinakumboshamba maʋoko kwaɀo, ʋaciceŋgeta tsika dzaʋakuru. 4 Kana ʋacidya paɗare haʋaŋgadyi ʋasinakumboshamba; neɀimŋe ɀizhinji ɀiri’po ɀaʋakaŋga ʋagamucira, kuti ʋaɀiceŋgete, ɀinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira. 5 Ipapo ʋaFarise naʋanyori ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoregereiko kufamba netsika dzaʋakuru, ɀaʋanodya ciŋgwa namaʋoko anetȿina? 6 Akati kwaʋari: Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, imi ʋanyeŋgeri, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni. 7 Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso, iri mirairo yaʋanhu. 8 Munosiya mirairo yaMŋari, muciceŋgeta tsika dzaʋanhu. 9 Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, munoramba murairo waMŋari, kuti muceŋgete tsika dzenyu; 10 nokuti Mosesi wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, ʋuye, unotuka ɓaɓa namai, ŋgaafe norufu. 11 Asi imi munoti: Kana munhu aciti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri caʋa Korbani, ndokuti caʋa cipo kunaMŋari, 12 hamucamutenderi kuitira ɓaɓa ʋake namai ʋake cinhu, 13 mucitorera shoko raMŋari simba netsika dzenyu dzamakaceŋgeta, neɀinhu ɀizhinji ɀakaɗaro munoɀiita. 14 Akaɗanira ɀe kwaari ʋanhu ʋazhinji akati kwaʋari: Nditererei mose, munzwisise! 15 Hapanecinhu kunze kwomunhu ciŋgamuȿiɓisa, kana cicipinda maari; asi ɀinoɓuɗa maari, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. [ 16 Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ngaanzwe.] 17 Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo. 18 Akati kwaʋari: Nemi ʋo hamunzwisisi saiɀoɀo here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀiri kunze, kana ɀicipinda mumunhu, haɀigoni kumuȿiɓisa? 19 Nokuti haɀipindi mumŋoyo make asi muɗumbu, ɀicirashwa kunze; nokutaura kwakaɗaro wakanatsa ɀokudya ɀose. 20 Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. 21 Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, 22 noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; 23 ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu. Jesu unoporesa mŋanasikana womukadɀi weSirofenike. ( Mat 15:21–28 ) 24 Wakasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asiŋgaɗi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuɀiʋanza. 25 Nokuti mumŋe mukadzi, waiʋa nomŋanasikana muɗuku, wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakati acimunzwa, akaʋuya akaɀiwisira pasi petsoka dzake. 26 Ɀino iye mukadzi waiʋa muGiriki, worudzi rwaʋeSirofenike; akaramba acikumbira kwaari kuti aɓuɗise mŋeya wakaipa pamŋanasikana wake. 27 Akati kwaari: Ʋana ŋgaʋataŋge kuguta, nokuti haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. 28 Akapindura, akati kwaari: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya pasi petafura ɀimeɗu ɀaʋana. 29 Akati kwaari: Nokuɗa kweshoko iro, enda; mŋeya wakaipa wabva pamŋanasikana wako. 30 Akaenda kumba kwake, akawana mŋana aʋete pamubeda, mŋeya wakaipa wabva. Jesu unoporesa munhu wematsi panyika yeDekapori. 31 Ɀino wakati acibva ɀe munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kuguŋgwa reGarirea, napakati penyika yeDekapori. 32 Ʋakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira, ʋakakumbira ɀikuru kuti aise ruʋoko rwake pamsoro pake. 33 Akamubvisa pakati paʋanhu ʋazhinji, ndokuenda naye parutiʋi, akapinza munwe munzeʋe dzake, akapfira mate, ndokuɓata rurimi rwake. 34 Ipapo akatarira kuɗeŋga, akagomera, akati kwaari: Efata, ndokuti: Dziʋuka. 35 Pakarepo nzeʋe dzake dzakadziʋuka, cisuŋgo corurimi rwake cikasunuŋguka, akataura ɀakanaka. 36 Ɀino wakaʋaraira, kuti ʋarege kuʋudza ʋanhu; asi iye acinyanya kuʋaraira, iʋo ʋakanyanyisa kuparidza iɀoɀo. 37 Ʋakashamiswa ɀikuru‐kuru, ʋaciti: Wakaita ɀose ɀakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeʋeʋe kuti dzitaure. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society