Online Bible

- Reklamy -

Mariko 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mufananidzo womukushi.
( Mat 13:1–23 ; Ruka 8:4–15 )

1 Ɀino wakataŋga ɀe kudzidzisa paguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira kwaari, nokuɗaro wakapinda mugwa, akagara’mo muguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋari pedyo neguŋgwa pamhenderekedzo.

2 Akaʋadzidzisa ɀizhinji nemifananidzo, akati kwaʋari pakudzidzisa kwake:

3 Tererai: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha.

4 Wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikaʋuya dzikadzidya.

5 Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika;

6 asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi.

7 Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga, dzikasaɓereka ɀiɓereko.

8 Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikaɓereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.

9 Akati: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

10 Wakati ari oga, ʋakaŋga ʋanaye naʋanegumi naʋaʋiri ʋakamubvunza ɀemifananidzo.

11 Akati kwaʋari: Imi makapiwa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari, asi kunaaʋa, ʋari kunze, ɀose ɀinoitwa nemifananidzo.

12 Kuti kuʋona ʋaʋone, asi ʋarege kuʋonesesa, nokunzwa ʋanzwe, asi ʋarege kunzwisisa, kuti ɀimŋe ʋarege kutendeʋuka, ʋakaŋganwirwe.

13 Ɀino akati kwaʋari: Hamuziʋi here mufananidzo uyu? Mucaziʋa seiko mifananidzo yose?

14 Mukushi unokusha shoko.

15 Ʋari munzira panokushwa shoko ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa, pakarepo Satani unoʋuya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati maʋo.

16 Naʋakakushwa parukaŋgarabge ʋakaita saiɀoɀo, ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko rakakushwa, ʋanorigamucira pakarepo nomufaro,

17 asi haʋanomudzi maʋari, asi ndiʋo ʋeciŋguʋa ciɗuku; pashure kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo ʋanogumburwa.

18 Ʋamŋe ʋanokushwa muminzwa, ndiʋo ʋanonzwa shoko,

19 asi kufuŋganya kwenyika, nokunyeŋgera kwefuma, nokuciʋa ɀimŋe, ɀinopinda, ɀicivuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko.

20 Ʋakakushwa muvu rakanaka, ndiʋo ʋanonzwa shoko, ʋakarigamucira, ʋakaɓereka, mumŋe makumi matatu, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe zana.


Mufananidzo womŋenje.
( Mat 5:15 , 16 ; Ruka 8:16–18 ; 11:33–36 )

21 Ɀino wakati kwaʋari: Mŋenje uri’po kuti uiswe pasi peɗeŋgu, kana pasi pomubeda here? Hauzi’po kuti uiswe pacigadziko here?

22 Nokuti hapanecinhu cakaʋanzika cisiŋgazoʋoneswi, hapana‐cakaʋigwa cisiŋgazoɓuɗi pacena.

23 Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

24 Ɀino akati kwaʋari: Cenjerai ɀamunonzwa. Ciyero camunoyera naco, nemi mucayerwa naco; mukawedzerwa.

25 Nokuti unaco ucapiwa, asi usina, ucatorerwa necaanaco.


Kukura kwoʋushe bgokuɗeŋga.

26 Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana nomunhu unodɀara mbeu muvu,

27 akaʋata, akamuka, ʋusiku namasikati; mbeu inomera, icikura, iye asiŋgaziʋi kuti ɀinoitika sei;

28 ivu rinoŋgoɓereka haro, pakutaŋga cipande, pashure hura, pashure ɀiyo ɀakakora pahura.

29 Kana ɀiɓereko ɀaibva, pakarepo unoceka neɓaŋga, nokuti kuceka kwaȿika.


Mufananidzo wembeu yemastarda.
( Mat 13:31 , 32 ; Ruka 13:18 , 19 )

30 Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari ticabgufananidza neiko? Ticabguenzanisira nomufananidzo upiko?

31 Bgakafanana netsaŋga yemastarda, iyo kana icidɀarwa muvu iɗuku kumbeu dzose dzapanyika;

32 asi kana yadɀarwa, inomera, iciʋa huru kumiriʋo yose iciita mataʋi makuru, akaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinogara pamumvuri wayo.

33 Akasireʋa shoko kwaʋari nemifananidzo mizhinji yakaɗaro, paʋaigona kunzwa napo.

34 Haana‐kutaura naʋo kunze kwemifananidzo, asi waiɗudzira ʋadzidzi ʋake ɀose ʋari ʋoga.


Jesu unonyaradza ɗutu remhepo.
( Mat 8:23–27 ; Ruka 8:22–25 )

35 Ɀino nezuʋa iro, aʋa maɗekwana, wakati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri.

36 Ʋakasiya ʋanhu ʋazhinji, ʋakaenda naye mugwa akaŋgoɗaro; mamŋe magwa akaŋga aiʋa naye.

37 Ɀino ɗutu guru remhepo rakamuka, mafuŋgu emvura akaroʋa mugwa, rikaŋga roɗo‐kuzara.

38 Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here?

39 Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po.

40 Ɀino akati kwaʋari: Munotyireiko kuɗaro? Hamunokutenda here?

41 Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy