Mariko 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kumuka kwaJesu, nokuɀiratidza kwake. ( Mat 28:1–20 ; Ruka 24:1–49 ; Joh 20:1–23 ) 1 Saɓata yakati yapfuʋura, Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo, naSarome, ʋakateŋga ɀinonhuwira, kuti ʋaende kuzomuzodza. 2 Maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, ʋakaenda kubgiro, zuʋa roɓuɗa. 3 Ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko ucatikuŋgurusira ibge pamukoʋa wobgiro? 4 Ɀino ʋakati ʋacitarira, ʋakaʋona kuti ibge rakaŋga ratokuŋguruswa, nokuti raiʋa guru‐guru. 5 Ʋakapinda mubgiro, ʋakaʋona jaya, rakaŋga rigere kurudyi, rakapfeka ŋguʋo cena yakareɓa, ʋakavunduka. 6 Rikati kwaʋari: Musavunduka, munotȿaka Jesu weNazareta, wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa; wamuka, haa’po pano; tarirai paʋakaŋga ʋamuisa. 7 Asi endai, mundoʋudza ʋadzidzi ʋake naPetro, kuti unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’ko, seɀaakakuʋudzai. 8 Ʋakaɓuɗa, ʋakatiza ʋacibʋa pabgiro, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokuɗeɗera nokushamiswa; ʋakasaʋudza munhu cinhu, nokuti ʋakaŋga ʋacitya. 9 Ɀino wakati amuka maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, akaɀiratidza pakutaŋga kunaMaria Magdarene, waakaŋga aɓuɗisa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari. 10 Iye akaenda kundoʋudza aʋo ʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋacicema nokurira. 11 Iʋo ʋakati ʋacinzwa kuti uri mupenyu, ʋuye kuti wakaʋonekwa naye, ʋakasatenda. 12 Shure kwaiɀoɀo wakaɀiratidza nomumŋe mutoʋo kunaʋaʋiri ʋaʋo, ʋakaŋga ʋacifamba muruwa. 13 Naiʋo ʋo ʋakaenda, ʋakandoʋudza ʋamŋe; naiʋo ʋakasaʋatenda ʋo. 14 Pashure wakaɀiratidza kunaʋanegumi nomumŋe, ʋagere pakudya; akaʋapa mhaka pamsoro pokusatenda kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, nokuti haʋana‐kutenda ʋaya ʋakaŋga ʋamuʋona amuka. 15 Akati kwaʋari: Endai munyika yose, muparidzire ɀisikwa ɀose Evaŋgeri. 16 Unotenda, akabapatidzwa, ucaponeswa; asi usiŋgatendi ucatoŋgwa. 17 Ɀiratidzo iɀi ɀicaʋa naʋanotenda: Ʋacaɓuɗisa mŋeya yakaipa nezita raŋgu, ʋacataura nendimi itȿa; 18 ʋacaɓata nyoka; kunyaŋge ʋakanwa cinhu cinoʋuraya, haciŋgaʋarwadzi; ʋacaisa maʋoko pamsoro paʋarwere, ʋakapora. Kukwira kwaJesu. ( Ruka 24:50–53 ; Maɓasa 1:9–11 ) 19 Ɀino Ishe Jesu wakati ataura naʋo, akagamucirwa kuɗeŋga, akagara kuruʋoko rworudyi rwaMŋari. 20 Iʋo ʋakaenda, ʋakaparidza kwose‐kwose, Ishe aciɓata naʋo, acisimbisa shoko neɀiratidzo ɀaiʋa naʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society