Online Bible

- Reklamy -

Mariko 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jesu unoprofita kuputswa kweJerusarema nokudzoka kwake.
( Mat 24:1–51 ; Ruka 21:5–36 )

1 Wakati aciɓuɗa mutembere, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabge, kunaka! nedzimba kunaka!

2 Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.

3 Ɀino wakati agere pagomo reMiorivi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobo, naJohane, naAndrea ʋakamubvunza ʋari ʋoga, ʋaciti:

4 Tiʋudzei kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipiko, kana iɀoɀi ɀose ɀoɗo‐kuitwa?

5 Ɀino Jesu akataŋga kuʋaʋudza, akati: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.

6 Ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu, ʋacitsausa ʋazhinji.

7 Kana mucinzwa ɀokurwa, neguhu rokurwa, musavunduka; iɀoɀo ɀinofanira kumboitika; asi kuguma kucigere kuȿika.

8 Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo.

9 Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari.

10 NeEvaŋgeri inofanira kutaŋga kumboparidzirwa marudzi ose.

11 Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene.

12 Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa.

13 Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋga kuȿikira pakuguma ucaponeswa.

14 Ɀino kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza imire paisina‐kufanira kumira (unoraʋa ŋgaacerekedze), ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo;

15 uri pamsoro peɗeŋga reimba ŋgaarege kuɓuruka, kana kupinda kuzotora cinhu mumba make.

16 Nouri mumunda ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake.

17 Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo!

18 Nyeŋgeterai kuti ɀirege kuʋa pacando.

19 Nokuti namazuʋa iwayo kucaʋa’po kutambudzika, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwokusikwa kwakasikwa naMŋari, kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po.

20 Ƌai Ishe asaitapudza mazuʋa iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa ʋaakasanaŋgura, wakatapudza mazuʋa iwayo.

21 Ɀino kana munhu aciti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda.

22 Nokuti ʋanaKristu ʋenhema ʋacamuka, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaita ɀiratidzo neɀinoshamisa, kuti ʋatsause ʋakasanaŋgurwa, kana ɀicibvira.

23 Asi cenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuʋudzai ɀose!

24 Asi namazuʋa iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuʋa ricaȿiɓa, Nomŋedzi haucazobginyi,

25 nenyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba ari kuɗeŋga acazunuŋguswa.

26 Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya mumakore nesimba guru nokubginya.

27 Ipapo ucatuma ʋatumŋa, akaʋuŋganidza ʋakasanaŋgurwa ʋake kunobʋa mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwokuɗeŋga.

28 Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo; kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo.

29 Saiɀoɀo imi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀiciitwa, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa.

30 Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira iɀoɀo ɀose ɀaitika.

31 Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.

32 Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa.

33 Cenjerai, murinde, nokunyeŋgetera; nokuti hamuziʋi kuti ŋguʋa icaȿika rini.

34 Ɀakaita somunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akasiya imba yake, akapa ʋaranda ʋake simba, mumŋe nomumŋe ɓasa rake, akaraira murindi womukoʋa kuti arindire.

35 Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi musi mŋene weimba waanoʋuya nawo, kana maɗeko, kana pakati poʋusiku, kana pakurira kwehuku, kana maŋgwanani;

36 kuti arege kuʋuya kamŋe‐kamŋe, akakuwanai muʋete.

37 Ɀandinokuʋudzai imi, ndinoʋudza ʋose, ndiciti: Rindai!

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy