Online Bible

- Reklamy -

Mariko 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mufananidzo waʋarimi ʋakaipa.
( Mat 21:33–46 ; Ruka 20:9–18 )

1 Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo.

2 Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.

3 Ʋakamuɓata, ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina.

4 Akatuma ɀe mumŋe muranda kwaʋari; ʋakamutaka namabge, ʋakamutema musoro, ʋakamunyadza.

5 Akatuma ɀe mumŋe, ʋakamuʋuraya; naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaroʋa ʋamŋe, nokuʋuraya ʋamŋe.

6 Ɀino wakaŋga acinomŋanakomana mumŋe, muɗikanwa; akamutuma kwaʋari pakupedzisira, aciti: Ʋacakudza mŋanakomana waŋgu.

7 Asi ʋarimi iʋaʋo ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu.

8 Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga.

9 Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga ucaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋo, akapa ʋamŋe ʋarimi munda wemizambiriŋga.

10 Ko hamuna‐kutoŋgoraʋa here rugwaro urwu, runoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona;

11 Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu?

12 Ipapo ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo iwoyo; ʋakamusiya, ʋakabva’po.


Kuripira Kesari mutero.
( Mat 22:15–22 ; Ruka 20:20–26 )

13 Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake.

14 Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?

15 Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone.

16 Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari.

17 Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye.


Ʋanobʋunza Jesu pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
( Mat 22:23–33 ; Ruka 20:27–40 )

18 Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti:

19 Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana.

20 Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana.

21 Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo.

22 Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo.

23 Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe.

24 Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari?

25 Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga.

26 Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo?

27 Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo.


Murairo mukuru.
( Mat 22:34–40 ; Ruka 10:25–27 )

28 Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko?

29 Jesu akapindura, akati: Wokutaŋga ndiwoyu: Inzwai ʋaIsraeri, Ishe Mŋari weɗu, ndiye Ishe mumŋe cete!

30 Iɗa Ishe Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose, nesimba rako rose.

31 Wecipiri ndiwoyu: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo.

32 Ɀino munyori akati kwaari: Ɀakanaka Mudzidzisi, mareʋa ɀirokwaɀo, kuti ndiye mumŋe cete, hakunomumŋe kunze kwake;

33 nokumuɗa iye nomŋoyo wose, nokufuŋga kwose, nesimba rose, nokuɗa wokwake seɀaanoɀiɗa iye, ɀinopfuʋura ɀikuru ɀipiriso ɀose ɀinopiswa cose, neɀiɓayiro.

34 Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu.


Kristu Mŋanakomana waDaʋidi.
( Mat 22:41–46 ; Ruka 20:41–44 )

35 Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi?

36 Davidi amene wakati noMŋeya Mutȿene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako.

37 Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa.


Jesu unonyeʋera ʋadzidzi ʋake.
( Mat 23:1–12 ; Ruka 20:45–47 )

38 Ɀino pakudzidzisa kwake wakati: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, nokukwaziswa paɗare,

39 neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nenɀimbo dzapamberi pamitambo;

40 ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.


Jesu unorumbidza cipo cecirikadzi.
( Ruka 21:1–4 )

41 Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji.

42 Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini.

43 Akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa ɀizhinji kunaaʋo ʋose ʋakaisa muciʋigiro;

44 nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy