Maraki 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Nokuti tarirai, zuʋa rinoʋuya; rinopisa secoto; ipapo ʋose ʋanoɀikudza, naʋose ʋanoita ɀakaipa, ʋacaʋa samashaŋga; zuʋa, rinoʋuya, ricaʋapisa, rikasaʋasiyira mudzi kana ɗaʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 2 Asi imi, munotya zita raŋgu, mucaɓuɗirwa nezuʋa rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; mucaɓuɗa mucitamba semhuru dzomucirugu. 3 Mucatsikira ʋakaipa pasi; nokuti ʋacaʋa maɗota pasi petsoka dzenyu, nezuʋa randicaita iɀoɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 4 Raŋgarirai murairo waMosesi muranda waŋgu, wandakamuraira paHorebi, waʋaIsraeri ʋose, iɀo ɀandakatema neɀandakaraira. 5 Tarirai, ndicakutumirai muprofita Eria, zuʋa iro guru raJehova, rinotyisa, risati raȿika. 6 Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society