Maraki 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Zuʋa rokuʋuya kwoMunyai waJehova. 1 Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 2 Asi ndiani uŋgatsuŋga nezuʋa rokuʋuya kwake? Ndiani uŋgamira kana aciʋonekwa? Nokuti wakafanana nomŋoto womunatsi, nesipo yomusuki. 3 Iye ucagara pasi akafanana nomunatsi nomucenesi wesirveri; ucacenesa ʋanakomana ʋaRevi, nokuʋanatsa sendarama nesirveri; ipapo ʋacaʋigira Jehova ɀipiriso nokururama. 4 Ipapo cipiriso caJuda neJerusarema ɀicafadza Jehova, sapamazuʋa akare, sapamakore apakutaŋga taŋga. 5 Ndicasweɗera kwamuri kuti nditoŋge; ndicaʋa capupu cinokurumidza pamsoro paʋaroyi, napamsoro pemhombge, napamsoro paʋanopika nhema, napamsoro paʋanomanikidza muɓatiri pamuɓairo wake, necirikadzi, nenherera, napamsoro paʋanodziŋga ʋatorwa, ʋasiŋgandityi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 6 Nokuti ini Jehova handishanduki, saka imi, ʋanakomana ʋaJakobo, mugere kuparadzwa. 7 Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa enyu makatsauka paneɀandakaraira, mukasaɀiceŋgeta. Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoti: Ticadzoka paɀinhu ɀipi? 8 Ko munhu uŋgaɓira Mŋari here? Kunyaŋge ɀakaɗaro munondiɓira. Asi imi munoti: Takakuɓirai paɀinhu ɀipi? Paneɀegumi neɀipiriso ɀinotsaurwa. 9 Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose. 10 Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa. 11 Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 12 Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 13 Mashoko enyu akaŋga ari makukutu kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro, munoti: Takataureiko pamsoro penyu? 14 Imi makati: Haɀinamaturo kushumira Mŋari; takawaneiko ɀatakaceŋgeta ɀaakaraira, ɀatakafamba takapfeka ŋguʋo dzokucema pamberi paJehova wehondo? 15 Ɀino tinoti ʋanoɀikudza ndiʋo ʋakafara; ɀirokwaɀo, ʋanoita ɀakaipa ndiʋo ʋanoʋakiswa; ɀirokwaɀo, ʋanoidza Mŋari ʋacipukunyuka. 16 Ipapo ʋaitya Jehova ʋakataurirana, Jehova akaterera, akanzwa, buku yokuraŋgaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuɗa kwaʋanotya Jehova, ʋaciraŋgarira zita rake. 17 Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randicaɀiita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira. 18 Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society