Mabasa 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Munhu unokamhina unoporeswa naPetro naJohane. 1 Ɀino Petro naJohane ʋakakwira kutembere neŋguʋa yokunyeŋgetera yepfumbamŋe. 2 Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere. 3 Iye wakati aciʋona Petro naJohane ʋoɗa kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe cipo. 4 Ɀino Petro akamutarisisa, naJohane ʋo, akati: Titarire. 5 Akaʋatarira, aciti ndicapiwa cinhu naʋo. 6 Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi candinaco ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, cifamba. 7 Akamuɓata ruʋoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake neɀiziso ɀetsoka dzake ɀakasimba. 8 Akavazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda naʋo mutembere, akafamba acipembera, acirumbidza Mŋari. 9 Ʋanhu ʋose ʋakamuʋona acifamba, acirumbidza Mŋari. 10 Ʋakamuziʋa, kuti ndiye waigarira ɀipo pamukoʋa Wakanaka wetembere; ʋakakatyamara ɀikuru nokushamiswa neɀaakaitirwa. Kuparidza kwaPetro. 11 Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo. 12 Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari? 13 Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuʋatoŋgi mukamuramba pamberi paPirato, iye atoŋga kuti asunuŋgurwe. 14 Asi imi makaramba uyo Mutȿene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muʋurayi; 15 mukaʋuraya Muʋambi woʋupenyu; iye, wakamutswa naMŋari kuʋakafa; iye, watiri ɀapupu ɀake isu. 16 Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoʋona, nowamunoziʋa; ʋuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa ɀakanaka kuɗai pamberi penyu mose. 17 Asi ɀino, hama dzaŋgu, ndinoziʋa kuti makaɀiita nokusaziʋa, saʋaɓati ʋenyu ʋo; 18 asi saiɀoɀo Mŋari wakapedzisa ɀaakamboreʋa nomuromo waʋaprofita ʋose, kuti Kristu wake ucazotambudzika. 19 Naiɀoɀo tendeʋukai, mudzoke, kuti ɀiʋi ɀenyu ɀidzimŋe, kuti ŋguʋa dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dziȿike; 20 atume Kristu, iye Jesu, wakagadzwa kare nokuɗa kwenyu; 21 iye unofanira kugamucirwa kuɗeŋga kuȿikira ŋguʋa yokugadzirwa kweɀinhu ɀose, yakarebga naMŋari nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene kubva pakutaŋga. 22 Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mŋari wenyu, ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; mucamuterera paɀose, ɀaanotaura kwamuri. 23 Ɀino mumŋe nomumŋe kana asiŋgatereri Muprofita uyo, ucaparadzwa kwaɀo pakati paʋanhu. 24 Naʋaprofita ʋose kubva kunaSamueri, naʋakamuteʋera, naiʋo ʋose ʋakataura nokuparidza ɀamazuʋa ano. 25 Imi muri ʋanakomana ʋaʋaprofita, naʋesuŋgano, yakaitwa naMŋari namadziɓaɓa enyu, aciti kunaAbrahama: Marudzi ose enyika acaropafadzwa muʋana ʋako. 26 Mŋari wakataŋga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, acidzora mumŋe nomumŋe wenyu paɀakaipa ɀenyu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society