Mabasa 28 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Pauro paMerita. 1 Ɀino takati taponeswa, tikaziʋa kuti ciwi cinonzi Merita. 2 Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatiitira ʋunyoro kwaɀo; nokuti ʋakaɓatidza mŋoto, ʋakatigamucira tose, nokuɗa kwemvura yakaŋga icinaya, ʋuye nokuɗa kwecando. 3 Ɀino Pauro wakati aʋuŋganidza ȿiŋga roʋutsotso, akabguisa pamŋoto, kukaɓuɗa nyoka nokudziya, ikanamatira paruʋoko rwake. 4 Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakati ʋaciʋona cikara cakaremberera paruʋoko rwake, ʋakataurirana, ʋaciti: Ɀirokwaɀo munhu uyu muʋurayi, nokuti kunyaŋge aɗoponeswa hake paguŋgwa, Kururama hakumutenderi kuti aʋe mupenyu. 5 Asi iye wakazuzira cikara mumŋoto, akasanzwa kurwadzwa. 6 Iʋo ʋakati ucaɀimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; ɀino ʋakati ʋatarira ŋguʋa refu, ʋakaʋona kuti haana‐kusikirwa nenjodzi, ʋakashanduka ʋoti: Iye mŋari. 7 Ɀino pedyo ipapo paiʋa neminda yomukuru weciwi, wainzi Pubrio; iye wakatigamucira, akatigarisa ɀakanaka mazuʋa matatu. 8 Ɀino ɓaɓa ʋaPubrio ʋakaŋga ʋaʋete pasi, ʋakaɓatwa nefiviri nokuɓuɗisa ropa; Pauro akapinda kwaʋari, akanyeŋgetera, ndokuisa maʋoko ake pamsoro pake, akamuporesa. 9 Iɀo ɀakati ɀaitwa, naʋamŋe ʋo ʋeciwi, ʋairwara, ʋakaʋuya, ʋakaporeswa. 10 Ʋakatikudza nokukudza kukuru; ticizoenda, ʋakaisa pacikepe ɀinhu ɀatakaŋga ticishaiwa. Pauro woenda Roma, kwaanogara makore maʋiri. 11 Mŋedzi mitatu yakati yapfuʋura, tikaenda necikepe ceAreksandria, cakaŋga cagara cando paciwi, caiʋa neciratidzo cokuti Dioskuri. 12 Ɀino tikaenda napaSirakuse, tikagara’po mazuʋa matatu. 13 Tikabva’po, tikapota, ndokuȿika Regio; zuʋa rimŋe rikati rapfuʋura, mhepo yaibva zasi ikamuka, tikaȿika Puteori nezuʋa repiri; 14 tikawana’po hama, dzakakumbira ɀikuru kuti tigare nadzo mazuʋa manomŋe; naiɀoɀo tikaȿika Roma. 15 Ɀino hama dzakati dzatinzwa, dzikabva’po, dzikaʋuya kuzoticiŋgamidza, dzikaȿika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adziʋona idzo, akaʋoŋga Mŋari, akatsuŋga mŋoyo. 16 Ɀino takati tapinda Roma, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda. 17 Mazuʋa matatu akati apfuʋura, akakokera aʋo, ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋaʋaJuda. Ʋakati ʋaʋuŋgana, akati kwaʋari: Ʋarume, hama, ini kunyaŋge ndisina‐kuita cinhu cakatadzira ʋanhu, kana tsika dzamadziɓaɓa eɗu, ndakabva Jerusarema ndakasuŋgwa, ndaiswa pamaʋoko aʋaRoma; 18 iʋo, ʋakati ʋandibvunzisisa, ʋakaɗa kundisunuŋgura, nokuti pakaŋga pasinemhoȿa yorufu kwandiri. 19 Asi ʋaJuda ʋakaramba, ndikaroʋererwa kuɀiisa kunaKesari; kusi kuti ndaiʋa necinhu cokupomera rudzi rwaŋgu. 20 Ɀino ndakakuɗanai pamsoro pemhoȿa iyi, kuti ndikuʋonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasuŋgwa neketani iri nokuɗa kwetariro yaʋaIsraeri. 21 Ʋakati kwaari: hatina‐kugamucira ŋwadi pamsoro pako, dzaibva Judea, ʋuye hakunomumŋe wehama wakaȿika akatiʋudza ɀako, kana kutaura ɀakaipa pamsoro pako. 22 Asi tinoɗa kunzwa kwauri ɀaunofuŋga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziʋa kuti inorambga kwose‐kwose. 23 Ɀino ʋakati ʋamutarira zuʋa, ʋakaʋuya kwaari ʋari ʋazhinji, kwaakaŋga agere, akaʋaɗudzira, aciʋapupurira kwaɀo ʋushe bgaMŋari, akaʋagombedzera pamsoro paJesu, nomurairo waMosesi naʋaprofita, kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. 24 Ʋamŋe ʋakatenda ɀakataurwa, asi ʋamŋe haʋana‐kutenda. 25 Ɀino ɀaʋakaŋga ʋasiŋganzwani, ʋakaenda, Pauro ataura shoko rimŋe cete kwaʋari rokuti: Mŋeya Mutȿene wakataura ɀakanaka nomuprofita Isaya kunamadziɓaɓa enyu, 26 aciti: Enda kuʋanhu aʋa uti: Nokunzwa mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi; Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgaʋonesesi. 27 Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo hadzinzwi ɀakanaka, Ʋakatsinzina meso aʋo; Kuti ʋarege kutoŋgoʋona nameso aʋo, Nokunzwa nenzeʋe dzaʋo, Nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋatendeʋuke, Ndiʋaporese. 28 Ɀino ziʋai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa ʋahedeni; iʋo ʋacanzwa ʋo. 29 [Wakati ataura iɀoɀo, ʋaJuda ʋakaenda, ʋaciita nyaya huru pakati paʋo.] 30 Iye akapedza makore maʋiri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamucira ʋose ʋaipinda kwaari, 31 aciparidza ʋushe bgaMŋari, acidzidzisa ɀaShe Jesu Kristu, asiŋgatoŋgotyi, asiŋgadziʋiswi nomunhu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society