Mabasa 26 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino Agripa akati kunaPauro: Unotenderwa kuɀiɗaʋirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruʋoko rwake, akaɀiɗaʋirira, aciti: 2 Mambo Agripa, ndinoɀikorokotedza, ɀandiŋgaɀiɗaʋirira nhasi pamberi penyu pamsoro peɀose ɀandinokwirirwa naɀo naʋaJuda; 3 ɀikuru nokuti munoziʋa tsika dzose namashoko ose pakati paʋaJuda; naiɀoɀo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomŋoyo murefu. 4 ƲaJuda ʋose ʋanoziʋa mufambire waŋgu, kubva paʋuɗuku bgaŋgu, waiʋa pakati porudzi rwaŋgu napaJerusarema kubva pakutaŋga; 5 ʋakandiziʋa kare, kana ʋaciɗa kupupura, kuti ndaiʋa muFarise, nedzidziso yokupira kweɗu yakaiȿo‐rurama. 6 Naɀino ndinomira pano, kuti nditoŋgwe nokuɗa kwokutarira cipikirwa cakapikirwa madziɓaɓa eɗu naMŋari. 7 Marudzi eɗu anegumi namaʋiri anoshumira Mŋari ʋusiku namasikati, aciti acaȿika pacipikirwa ico. Pamsoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa naʋaJuda. 8 Munofuŋgireiko imi kuti haɀiŋgatendwi kuti Mŋari uŋgamutsa ʋakafa? 9 Ɀino neni nnaiti ndinofanira kuita ɀinhu ɀizhinji ɀinopesana nezita raJesu weNazareta. 10 Ndakaɀiita ʋo paJerusarema, ndikapfigira ʋatȿene ʋazhinji mutoroŋgo, ndapiwa simba naʋaprista ʋakuru; ʋuye kana ʋaiʋurawa, neni ndaibvumira ʋo. 11 Nomumasinagoge ose ndaiʋatambudza, ndiciʋaroʋerera kuti ʋamhure Mŋari; ndikanyanya kuʋapeŋgera, ndikaʋatambudza kuȿikira kumaguta ari kure nenyika ino. 12 Ndakati ndicaita iɀoɀi, ndikaenda Damasko nesimba ʋuye nomurairo waʋaprista ʋakuru, 13 ɀino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaʋona ciedza caibva kuɗeŋga, caikunda kupenya kwezuʋa, cicindipenyera kumatiʋi ose naʋandaifamba naʋo. 14 Ɀino takati tawira pasi tose, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri norurimi rweciHeberu: Sauro! Sauro! unonditambudzireiko? Ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. 15 Ndikati: Ndimi aniko, Ishe? Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza. 16 Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndaɀiratidza kwauri neɀiɀi, kuti ndikuite munyai necapupu ceɀawakaʋona, neɀandicaɀiratidza naɀo kwauri; 17 ndicakurwira kuʋanhu nokuʋahedeni, ʋandinokutumira kwaʋari; 18 kuti uȿinudze meso aʋo, ʋabve murima, ʋaende kuciedza, nokubva pasimba raSatani, ʋaende kunaMŋari, kuti ʋagamucire kaŋganwiro yeɀiʋi ɀaʋo, nenhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene, nokutenda kwandiri. 19 Naiɀoɀo, mambo Agripa handina‐kuramba kuterera ciratidzo cokuɗeŋga; 20 asi ndakataŋga kuparidza kunaʋeDamasko, nokunaʋeJerusarema, nenyika yose yeJudea, nokuʋahedeni, kuti ʋatendeʋuke, ʋariŋgire kunaMŋari, ʋaite maɓasa akafanira kutendeʋuka. 21 Pamsoro paiɀoɀi ʋaJuda ʋakandiɓata mutembere, ʋakaidza kundiʋuraya. 22 Asi ndakaɓatsirwa naMŋari, ndikamira kuȿikira zuʋa ranhasi, ndicipupurira ʋaɗuku naʋakuru, ndisiŋgareʋi ɀimŋe ɀinhu asi ɀakataurwa naʋaprofita naMosesi, kuti ɀicaitika; 23 ɀokuti Kristu wakafanira kutambudzika, nokutaŋga kumuka kuʋakafa, aparidzire ʋanhu naʋahedeni ciedza. 24 Ɀino wakati aciɀiɗaʋirira saiɀoɀo, Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopeŋga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza. 25 Asi Pauro akati: Handipeŋgi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amaɀokwaɗi noʋucenjeri. 26 Nokuti mambo wandinotaura naye ndisiŋgatyi, ʋanoziʋa iɀoɀi, nokuti ndinoziʋa kuti hapanecinhu caiɀoɀo cakaʋanzika kwaari, nokuti cinhu ici hacina‐kuitwa pakaʋanda. 27 Mambo Agripa, munotenda ʋaprofita here? Ndinoziʋa kuti munotenda. 28 Agripa akati kunaPauro: Uneŋge unoɗa kundiita mukristu neŋguʋa ɗuku. 29 Pauro akati: Ndinonyeŋgetera kunaMŋari kana neŋguʋa ɗuku, kana nehuru, kuti musaʋa imi moga, asi ʋose ʋanondinzwa nhasi, ʋaitwe seni, asi ʋasine ɀisuŋgo iɀi. 30 Ipapo mambo akasimuka, nomuɓati, naBerinike, naʋakaŋga ʋagere naʋo; 31 ʋakaɓuɗa ʋakataurirana, ʋakati: Munhu uyu haaiti cinhu cakafanira rufu kana kusuŋgwa. 32 Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu ɗai asina‐kuɀiisa kunaKesari uŋgaɗai asunuŋgurwa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society