Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 25 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Pauro pamberi paFesto; unoɀiisa kunaKesari.

1 Ɀino Festo wakati aȿika panyika iyo, mazuʋa matatu apfuʋura, akakwira Jerusarema, acibva Kesaria,

2 ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamhaŋarira Pauro kwaari, ʋakamunyeŋgetera,

3 ʋakakumbira kuti aʋafadze pamsoro pake, amuɗanire Jerusarema, kuti ʋamuʋandire ʋamuʋuraye panzira.

4 Asi Festo wakapindura, aciti Pauro wakaceŋgetwa Kesaria, ʋuye kuti iye amene wakaŋga okurumidza kuenda’ko.

5 Akati: Aʋo ʋanesimba pakati penyu, ŋgaʋaɓuruke neni; kana kunecinhu cisakafanira kumunhu uyu, ŋgaʋamupomere mhoȿa.

6 Akagara pakati paʋo mazuʋa asiŋgapfuʋuri masere kana gumi, ndokuɓurukira Kesaria; fume maŋgwana akagara pacigaro cokutoŋga, akaraira kuti ʋaʋuye naPauro.

7 Wakati aȿika, ʋaJuda ʋakabva Jerusarema, ʋakamukomba, ʋakamupomera mhoȿa zhinji dzakaipa, dzaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kusimbisa.

8 Ɀino Pauro akaɀiɗaʋirira, akati: Handina‐kutadzira murairo waʋaJuda, kana tembere, kana Kesari

9 Ɀino Festo aciɗa kufadza ʋaJuda, akapindura Pauro akati: Unoɗa here kukwira Jerusarema, undotoŋgwa’ko pamberi paŋgu pamsoro peɀinhu iɀi?

10 Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pecigaro cokutoŋga caKesari, pandinofanira kutoŋgwa; handina‐kuitira ʋaJuda ɀisakarurama, seɀamunoziʋa nemi ʋo ɀakanaka.

11 Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari.

12 Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Waɀiisa kunaKesari; kunaKesari ucaenda.


Pauro pamberi paAgripa.

13 Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, mambo Agripa naBerinike ʋakaȿika Kesaria kuzokwazisa Festo.

14 Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa;

15 ndiciri paJerusarema, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamumhaŋarira, ʋacikumbira kuti atoŋgerwe rufu.

16 ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo.

17 Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo.

18 Ɀino ʋapomeri ʋakasimuka, asi haʋana‐kumupomera mhoȿa yeɀinhu ɀakaipa ɀandakaŋga ndiciti ʋacamupomera naɀo;

19 asi ʋakaŋga ʋanamamŋe mashoko okupira kwaʋo, noomumŋe Jesu wakaŋga afa, wainzi naPauro mupenyu.

20 Ɀino ini, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi mubvunzire weɀinhu ɀakaɗai, ndikabvunza kana aciɗa kuenda Jerusarema kundotoŋgwa ikoko pamsoro peɀinhu iɀoɀo.

21 Asi Pauro wakati akumbira kuti aceŋgetwe kuzotoŋgwa namambo mukuru, ndikaraira kuti aceŋgetwe kuȿikira ndicimutumira kunaKesari.

22 Ipapo Agripa akati kunaFesto: Neni ndinoɗa kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Maŋgwana mucamunzwa.

23 Fume maŋgwana Agripa wakati aȿika naBerinike, ʋashoŋga kwaɀo, ʋapinda mumba maitambirwa mhaka, naʋakuru ʋecuru camazana, naʋakuru ʋeguta, ʋakaʋuya naPauro ʋarairwa naFesto.

24 Ɀino Festo akati: Mambo Agripa, nemi ʋarume ʋose ʋaneni, munoʋona munhu uyu, wandakanyeŋgeterwa naʋaJuda ʋose paJerusarema napano, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Haafaniri kuʋa mupenyu.

25 Asi ini ndakawana kuti haana‐kuita cinhu cakafanira rufu, ʋuye ɀaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndicamutuma.

26 Asi handineshoko kwaro reɀokwaɗi randiŋganyorera ishe pamsoro pake; saka ndaʋuya naye pamberi penyu, ɀikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigoʋa neɀandiŋganyora.

27 Nokuti kwandiri ɀakaita seɀisina‐kufanira kutuma musuŋgwa, mhoȿa dzaakakwirirwa nadzo dzisiŋgaziʋiswi ʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy