Mabasa 17 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Pauro naSirasi paTesaronika. 1 Ɀino ʋakati ʋagura neAmfipori neAporonia, ʋakaȿika paTesaronika paiʋa nesinagoge raʋaJuda. 2 Ɀino Pauro, seɀaaisiita, akapinda kwaʋari; akataurirana naʋo ɀapaMagwaro masaɓata matatu, 3 aciʋazarurira nokuʋaziʋisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuʋakafa, ʋuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu. 4 Ʋamŋe ʋaʋo ʋakatendiswa, ʋakateʋera Pauro naSirasi, naʋazhinji ʋaʋaGiriki, ʋainamata Mŋari, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋazhinji. 5 Asi ʋaJuda ʋaiʋa negoɗo, ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋakaipa, dzaiʋa simbe, ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakakaŋganisa guta; ʋakawira imba yaJasoni, ʋaciɗa kuʋaɓuɗisira kuʋanhu. 6 Ʋakati ʋaciʋashaiwa, ʋakakakatira Jasoni nedzimŋe hama pamberi paʋaɓati ʋeguta, ʋakaɗana, ʋaciti: Aʋa ʋakakaŋganisa nyika yose, ʋakaȿika napano ʋo, 7 Jasoni akaʋagamucira; aʋa ʋose ʋanoita ɀinopesana neɀireʋo ɀaKesari, ʋaciti, mumŋe mambo uri’ko, unonzi Jesu. 8 Ʋakapesanisa ʋanhu naʋaɓati ʋeguta, ʋacinzwa iɀoɀo. 9 Ɀino, ʋakati ʋatora ruɓatso kunaJasoni naʋamŋe, ʋakaʋarega. Pauro naSirasi paBerea. 10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea ʋusiku. Iʋo ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakapinda musinagoge raʋaJuda. 11 Aʋa ʋakaŋga ʋakanaka kukunda ʋeTesaronika, ʋakagamucira shoko nomŋoyo wose, ʋacinɀera Magwaro zuʋa rimŋe nerimŋe, kana ɀinhu iɀoɀo ɀiri iɀo. 12 Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋo ʋakatenda, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋaʋaGiriki, naʋarume ʋazhinji. 13 Asi ʋaJuda ʋeTesaronika, ʋakati ʋacinzwa kuti shoko raMŋari roparidzwa naPauro paBerea, ʋakaȿika ʋo ipapo, ʋakamutsa nokupesanisa ʋazhinji. 14 Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kuȿikira kuguŋgwa, asi Sirasi naTimotio ʋakasara’po. 15 Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva. Pauro paAtene. 16 Ɀino Pauro, acakaʋagarira paAtene, akanzwa shuŋgu pamŋoyo, aciʋona kuti guta rizere neɀifananidzo. 17 Naiɀoɀo akataurirana musinagoge naʋaJuda, naʋainamata Mŋari, napaɗare zuʋa rimŋe nerimŋe, naʋaakasoŋgana naʋo. 18 Ɀino ʋamŋe ʋakacenjera ʋaʋaEpikuro naʋaStoiko, ʋakaita nharo naye; ʋamŋe ʋakati: Ko uyu mutauri weɀisinamaturo unoɗa kureʋeiko? Ʋamŋe ɀe ʋakati: Uneŋge muparidzi waʋamŋari ʋasiŋgazikanwi; nokuti wakaʋaparidzira Jesu nokumuka kwaʋakafa. 19 Ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuisa paAreopago, ʋakati: Ŋgatinzwe ʋo kuti kudzidzisa uku kutȿa, kunotaurwa newe, ndokweiko? 20 Nokuti unoreʋa ɀimŋe ɀinoshamisa panzeʋe dzeɗu; naiɀoɀo tinoɗa kunzwa, kuti ɀinhu iɀi ndeɀeiko? 21 (Ɀino ʋaAtene ʋose, naʋatorwa ʋaigara’po, ʋaiŋgofarira cinhu cimŋe cete, kutaura kana kunzwa cinhu citȿa.) 22 Ɀino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi ʋarume ʋeAtene, paɀinhu ɀose ndinoʋona kuti munonamata ɀikuru. 23 Nokuti ndakati ndicipfuʋura, ndicicerekedza ɀamunonamata, ndakawana ʋo artari yakanyorwa: KUNAMŊARI USIŊGAZIKANWI. Ɀino camunonamata musiŋgaciziʋi, ndico candinokuparidzirai. 24 Mŋari wakasika nyika neɀose ɀiri mairi, iye Tenzi weɗeŋga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namaʋoko. 25 Haashumirwi namaʋoko aʋanhu, saaciŋge acishaiwa cinhu, ɀaari iye amene unopa ʋose ʋupenyu, nokufema, neɀose; 26 wakaita marudzi ose aʋanhu, acibva kunomumŋe cete, kuti agare pose panyika; ambotara ŋguʋa dzaʋakatemerwa, nemiganhu yokugara kwaʋo; 27 kuti ʋatȿake Mŋari, ɀimŋe ʋamutȿaŋgadzire, ʋamuwane, kunyaŋge asiri kure nomumŋe nomumŋe weɗu. 28 Nokuti maari tinoʋupenyu, tinofamba, tiri’po; seɀaʋakareʋa ʋamŋe ʋanyori ʋenziyo ʋokwenyu, ʋaciti: Nokuti tiri rudzi rwake ʋo. 29 Ɀatiri rudzi rwaMŋari, hatifaniri kuti ʋuMŋari bgakafanana nendarama, kana sirveri, kana ibge, ɀakaʋezwa noʋumhizha kana kucenjera kwomunhu. 30 Naiɀoɀo Mŋari wakarega hake kuraŋgarira ŋguʋa dzokusaziʋa; asi ɀino unoraira ʋanhu ʋose kwose‐kwose kuti ʋatendeʋuke. 31 Nokuti wakatara zuʋa, raacatoŋga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunaʋose, pakumumutsa kuʋakafa. 32 Ɀino ʋakati ʋacinzwa ɀokumuka kwaʋakafa, ʋamŋe ʋakaseka, asi ʋamŋe ʋakati: Ticazokunzwa ɀe pamsoro paiɀoɀi. 33 Naiɀoɀo Pauro akaɓuɗa pakati paʋo. 34 Asi ʋamŋe ʋarume ʋakamunamatira, ʋakatenda; pakati paʋo kwaiʋa naDionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Damari, naʋamŋe pamŋe cete naʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society