Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋuŋgano paJerusarema pamsoro pokudziŋgiswa nokuceŋgeta murairo waMosesi.

1 Ɀino ʋamŋe ʋakaɓuruka Judea, ʋakadzidzisa hama, ʋaciti: Kana musiŋgadziŋgiswi netsika yaMosesi, hamuŋgaponeswi.

2 Asi Pauro naBarnabasi ʋakapesana kwaɀo naʋo, nokuita nharo naʋo, ʋakazotenderana kuti Pauro naBarnabasi naʋamŋe ʋaʋo ʋakwire Jerusarema kuʋaapostora naʋakuru pamsoro peshoko iri.

3 Naiɀoɀo ʋakaperekedzwa nekereke, ʋakagura neFenike neSamaria, ʋakataura ɀokutendeʋuka kwaʋahedeni; ʋakafadza ɀikuru hama dzose.

4 Ɀino ʋakati ʋaȿika Jerusarema, ʋakagamucirwa nekereke, naʋaapostora, naʋakuru; ʋakarondedzera ɀose ɀakaitwa naMŋari naʋo.

5 Asi ʋamŋe ʋedzidziso yaʋaFarise, ʋaitenda, ʋakasimuka, ʋakati, ʋanofanira kudziŋgiswa nokurairwa kuti ʋaceŋgete murairo waMosesi.

6 Ipapo ʋaapostora naʋakuru ʋakaʋuŋgana kuti ʋaraŋgane pamsoro peshoko iri.

7 Ɀino, nharo huru dzakati dzaʋa’po, Petro akasimuka akati kwaʋari: Ʋarume, hama, munoziʋa kuti kubva pamazuʋa akare Mŋari wakandisanaŋgura pakati penyu, kuti ʋahedeni ʋanzwe shoko reEvaŋgeri nomuromo waŋgu, ʋatende.

8 Ɀino Mŋari, muziʋi womŋoyo, wakaʋapupurira, akaʋapa Mŋeya Mutȿene sesu;

9 haanakutsaura pakati peɗu naʋo, ɀaakanatsa mŋoyo yaʋo nokutenda.

10 Naiɀoɀo ɀino, munoidzireiko Mŋari, muciisa pamitsipa yaʋadzidzi joko, rakaŋga risiŋgagoni kutakurwa namadziɓaɓa eɗu kunyaŋge nesu?

11 Asi tinotenda kuti isu ticaponeswa nenyasha dzaShe Jesu nomutoʋo mumŋe naʋo.

12 Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaramba ʋanyerere, ʋakaterera ʋanaBarnabasi naPauro ʋacirondedzera ɀiratidzo neɀishamiso, ɀakaitwa naMŋari naʋo pakati paʋahedeni.

13 Ɀino ʋakati ʋanyarara, Jakobo akapindura, akati: Ʋarume, hama, nditererei.

14 Simeoni wakarondedzera mutaŋgire waMŋari kumutsa ʋahedeni, kuti atore kwaʋari ʋanhu ʋezita rake.

15 Namashoko aʋaprofita anobvumira iɀoɀi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:

16 Shure kwaiɀoɀi ndicadzoka, Ndiʋake tabernakeri yaDavidi, yakawa; Ndicaʋaka ɀe matoŋgo ayo, Ndiciimutsa;

17 Kuti ʋakasara kuʋanhu ʋatȿake Ishe, Naʋahedeni ʋose ʋakaɗanwa nezita raŋgu,

18 Ndiɀo ɀinotaura Ishe, unoziʋisa iɀoɀi ɀose kubva pakutaŋga kwenyika.

19 Naiɀoɀi ini ndinoti, ŋgatirege kugumbusa aʋo pakati paʋahedeni ʋakatendeʋukira kunaMŋari;

20 asi tiʋanyorere kuti ʋarege ɀakashatiswa neɀifananidzo, noʋupombge, neɀakadzipxa, neropa.

21 Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiʋa naʋanomuparidza paguta rimŋe nerimŋe, acirabga mumasinagoge saɓata rimŋe nerimŋe.

22 Ipapo ʋaapostora, naʋakuru, nekereke yose, ʋakati ɀakanaka kuti ʋasanaŋgure ʋarume pakati paʋo, ʋaʋatumire Antiokia pamŋe cete naPauro naBarnabasi, ʋaiti: Judasi, wainzi Barsabasi, naSirasi, ʋakuru pakati pehama.

23 Ʋakanyora ŋwadi, ʋakaituma naʋo, yaiti: Ʋaapostora naʋakuru pahama, kuhama dzokuʋahedeni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia: Mufaro!

24 Ɀatakanzwa, kuti ʋamŋe ʋakabva kwatiri, ʋatisina‐kuraira, ʋakakukaŋganisai namashoko, ʋacidziyanisa mŋeya yenyu,

25 takati nomŋoyo mumŋe ɀakanaka kuti tisanaŋgure ʋarume, tiʋatumire kwamuri, pamŋe cete naBarnabasi naPauro, ʋaɗikanwa ʋeɗu;

26 ʋanhu ʋakaɀidza ʋupenyu bgaʋo nokuɗa kwezita raShe weɗu, Jesu Kristu.

27 Ɀino tatuma Judasi naSirasi, iʋo ʋanozokuʋudzai ʋamene iɀoɀi nomuromo.

28 Nokuti Mŋeya Mutȿene nesu takati ɀakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kuneɀinhu iɀi ɀakafanira,

29 ɀinoti: Regai ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge; kana mukaɀidzora paɀiri, mucaita ɀakanaka. Sarai ɀakanaka.

30 Ɀino ʋakati ʋaendiswa, ʋakaɓurukira Antiokia; ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakaʋapa ŋwadi.

31 Iʋo ʋakati ʋairaʋa, ʋakafara ɀikuru pamsoro pokuʋaraidzwa.

32 Judasi naSirasi, ʋaiʋa ʋaprofita ʋamene, ʋakaʋaraidza hama namashoko mazhinji, nokuʋasimbisa.

33 Ʋakati ʋagara’ko ŋguʋa, ʋakaendiswa nehama nomufaro, ʋakaenda kunaʋakaŋga ʋaʋatuma.

34 [Asi Sirasi wakati ɀakanaka kusara’po.]

35 Pauro naBarnabasi ʋakagara Antiokia, ʋacidzidzisa nokuparidza shoko raShe, naʋamŋe ʋazhinji ʋo.


Pauro naBarnabasi ʋanoparadzana. Rwendo rwecipiri rwaPauro.

36 Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Pauro akati kunaBarnabasi: Ŋgatidzoke ɀe tindoshanyira hama muguta rimŋe nerimŋe matakaparidza shoko raShe, tiʋone kuti ʋakaɗini.

37 Ɀino Barnabasi wakaŋga aciɗa kutora Johane ʋo, wainzi Marko;

38 asi Pauro wakati haɀina‐kunaka kumutora iye, wakamboʋasiya paPamfiria, akasaenda naʋo kuɓasa.

39 Ipapo kutsamŋirana kukaʋa’po, nokuɗaro ʋakaparadzana, Barnabasi akatora Marko, akaenda Kupro necikepe;

40 asi Pauro wakasanaŋgura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe;

41 akagura neSiria neKirikia, acisimbisa kereke.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy