Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Barnabasi naSauro ʋanotumŋa kuʋahedeni.

1 Ɀino pakereke yapaAntiokia paiʋa naʋaprofita naʋadzidzisi, ʋaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakaŋga arerwa pamŋe cete naHerode muɓati, naSauro.

2 Ʋakati ʋacishumira Ishe, nokuɀinyima ɀokudya, Mŋeya Mutȿene akati: Nditsaurirei Barnabasi naSauro kuɓate‐ɓasa randakaʋaɗanira.

3 Ipapo ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo, ndokuʋaendisa.


Ʋanodziʋiswa naErimasi paPafosi.

4 Naiɀoɀo ʋakati ʋatumŋa noMŋeya Mutȿene, ʋakaɓurukira Serukia; ʋakabva’po, ʋakaenda Kupro necikepe.

5 Ʋaciȿika paSarami, ʋakaparidza shoko raMŋari mumasinagoge aʋaJuda. Ʋakaŋga ʋanaJohane ʋo, waiʋa muɓatsiri waʋo.

6 Ʋakati ʋagura ciwi cose kuȿikira paPafosi, ʋakawana imŋe ŋaŋga, waiʋa muprofita wenhema, muJuda, zita rake rainzi Bari‐Jesu.

7 Waigara pamuɓati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakacenjera. Iye ndokuɗana Barnabasi naSauro, acitȿaka kunzwa shoko raMŋari.

8 Asi ŋaŋga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana ricishandurwa), akaʋadziʋisa, acitȿaka kutsausa muɓati pakutenda.

9 Asi Sauro (ndiye Pauro ʋo), azere noMŋeya Mutȿene, akamutarisisa, akati:

10 Iwe, uzere nokunyeŋgera kwose namano akaipa ose, mŋanakomana waDiaborosi, muʋeŋgi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe?

11 Ɀino, tarira, ruʋoko rwaShe ruri pamsoro pako; ucaʋa ɓofu, ucaita ŋguʋa usiŋgaʋoni zuʋa. Pakarepo mhute nerima ɀikamuwira; akapota‐pota, acitȿaka ʋaŋgamusesedza noruʋoko.

12 Ɀino muɓati wakati aciʋona ɀaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe.


Pauro unoparidza paAntiokia paPisidia.

13 Ɀino Pauro naʋaiʋa naye, ʋakabva Pafosi, ndokuȿika Perga muPamfiria; Johane akabva kwaʋari, ndokudzokera Jerusarema.

14 Asi iʋo ʋakabva Perga, ʋakaȿika Antiokia paPisidia; ʋakapinda musinagoge nezuʋa resaɓata, ndokugara pasi.

15 Ɀino murairo naʋaprofita ɀakati ɀarabga, ʋaɓati ʋesinagoge ʋakatuma shoko kwaʋari, ʋaciti: Ʋarume, hama, kana muneshoko rokuʋaraidza ʋanhu, taurai henyu.

16 Ipapo Pauro akasimuka, akaʋaninira noruʋoko, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, nemi munotya Mŋari, tererai:

17 Mŋari waʋanhu aʋa ʋaIsraeri wakasanaŋgura madziɓaɓa eɗu, akakudza ʋanhu aʋa, ʋaciri ʋatorwa munyika yeEgipita; akaʋaɓuɗisa mairi noruʋoko runesimba,

18 akaʋa nomŋoyo murefu nemitoʋo yaʋo murenje makore aneŋge makumi manna,

19 akaparadza marudzi manomŋe munyika yeKanani, akaʋagoʋera nyika yaʋo nemijenya, iʋe nhaka yaʋo makore aneŋge mazana manna namakumi mashanu.

20 Shure kwaiɀoɀo akaʋapa ʋatoŋgi kuȿikira kumuprofita Samueri.

21 Pashure ʋakakumbira mambo; Mŋari akaʋapa Sauro, mŋanakomana waKisi murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi manna.

22 Akamubvisa akamutsa Davidi, kuti aʋe mambo waʋo, waakapupura, aciti: Ndawana Davidi, mŋanakomana waJese murume womŋoyo waŋgu, ucaita kuɗa kwaŋgu kwose

23 Parudzi rwaiyeyo, Mŋari akamutsira ʋaIsraeri Muponesi Jesu, seɀaakaŋga aʋapikira;

24 iye asati aȿika, Johane akamboparidzira ʋanhu ʋaIsraeri rubapatidzo rwokutendeʋuka.

25 Ɀino Johane wakati opedzisa ɓasa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwaŋgu mumŋe unoʋuya, wandisakafanira kuti ndisunuŋgure shaŋgu dzetsoka dzake.

26 Ʋarume, hama, ʋana ʋorudzi rwaAbrahama, naʋari pakati penyu ʋanotya Mŋari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu.

27 Nokuti ʋaigara Jerusarema naʋaɓati ʋaʋo, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgamuziʋi iye, kana manzwi aʋaprofita, anorabga saɓata rimŋe nerimŋe, ʋakaazadzisa pakumupa mhaka kwaʋo.

28 Kunyaŋge ʋasina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari, ʋakakumbira kunaPirato kuti aʋurawe.

29 Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀakanyorwa pamsoro pake, ʋakamuturura pamuti, ʋakamuʋiga mubgiro.

30 Asi Mŋari wakamumutsa kuʋakafa;

31 akaʋonekwa mazuʋa mazhinji naʋakaŋga ʋakwira naye Jerusarema, ʋacibva Garirea, aʋo ʋari ɀapupu ɀake ɀino kuʋanhu.

32 Isu tinokuparidzirai cipikirwa cakaitirwa madziɓaɓa eɗu.

33 Kuti Mŋari wakaciita kuʋana ʋeɗu, acimutsa Jesu; seɀakanyorwa ʋo paPisarema recipiri, panoti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, nhasi ndakakuɓereka.

34 Ʋuye kuratidza kuti wakamumutsa kuʋakafa, kuti arege kuzodzokera ɀe kukuʋora, wakareʋa kuɗai: Ndicakupai mikomborero mitȿene inotendwa yaDavidi.

35 Nokuti unoreʋa panerimŋe Pisarema, aciti: Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora.

36 Nokuti Davidi wakati aita kuɗa kwaMŋari parudzi rwake, akaʋata rufu, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake, akaʋona kuʋora.

37 Asi uyu, wakamutswa naMŋari haanakuʋora.

38 Naiɀoɀo ʋarume, hama, muziʋe imi, kuti kaŋganwiro yeɀiʋi noyuyu inokuparidzirwai imi.

39 Noyuyu, mumŋe nomumŋe unotenda, unoruramiswa paɀose, ɀamakaŋga musiŋgagoni kururamiswa paɀiri nomurairo waMosesi.

40 Naiɀoɀo cenjerai, kuti murege kuwirwa neɀakarebga naʋaprofita, ɀinoti:

41 Tarirai, imi ʋaɀidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, Ƃasa ramucaramba kutoŋgotenda, kana muciɀiʋudzwa nomunhu.

42 Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa musinagoge, ʋakakumbira ɀikuru kuti ʋaparidzirwe ɀe mashoko iwayo nesaɓata rinoteʋera.

43 Ɀino ʋesinagoge ʋakati ʋapararira, ʋaJuda ʋazhinji naʋaproserite ʋainamata Mŋari, ʋakateʋera Pauro naBarnabasi; iʋo ʋakataurirana naʋo, ʋakaʋaraira kuti ʋarambire panyasha dzaMŋari.

44 Nesaɓata rakateʋera guta rineŋge rose rakaʋuŋgana kuzonzwa shoko raMŋari.

45 Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciʋona ʋanhu ʋazhinji, ʋakazara negoɗo, ʋakaramba ɀakarebga naPauro, ʋacimhura Mŋari.

46 Ipapo Pauro naBarnabasi ʋakataura ʋasiŋgatyi, ʋakati: Ɀakaŋga ɀakafanira kuti shoko raMŋari ritaŋge kutaurirwa imi, asi ɀamariramba, muciti, hamufanirwi noʋupenyu bgusiŋgaperi, tarirai, ɀino toenda kuʋahedeni.

47 Nokuti Ishe wakatiraira saiɀoɀo, aciti: Ndakakuisa kuti uʋe ciedza caʋahedeni, Kuti uʋe ruponeso kuȿikira kumugumo wenyika.

48 Ɀino ʋahedeni ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafara, ʋakakudza shoko raShe; naʋose ʋakaŋga ʋatarirwa ʋupenyu bgusiŋgaperi ʋakatenda.

49 Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose.

50 Asi ʋaJuda ʋakakurudzira ʋakadzi ʋainamata Mŋari, ʋaikudzwa, naʋakuru ʋeguta; ʋakamutsira Pauro naBarnabasi ɗambudziko, ʋakaʋadziŋga munyika yaʋo.

51 Asi iʋo ʋakazuza guruʋa patsoka dzaʋo, ʋakaenda Ikonio.

52 Ʋadzidzi ʋakaramba ʋacizadzwa nomufaro noMŋeya Mutȿene.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy