Online Bible

- Reklamy -

Joshua 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino madzimambo ose aʋaAmori, akaŋga agere mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, namadzimambo ose aʋaKanani, akaŋga agere paguŋgwa, akati acinzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yaJoridani pamberi paʋana ʋaIsraeri, kuȿikira tayambuka, mŋoyo yaʋo ikavunduka, ʋakasazoʋa nomŋeya mukati maʋo, nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri.


Joshua unodziŋgisa ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadye paseka.

2 Neŋguʋa iyo Jehova akati kunaJoshua: Uɀiitire mapaŋga amabge anopinza, udziŋgise ɀe ʋana ʋaIsraeri.

3 Joshua akaɀiitira mapaŋga amabge anopinza, akadziŋgisa ʋana ʋaIsraeri pacikomo ceɀikanda ɀapamberi.

4 Joshua akaʋadziŋgisa nemhaka iyi, nokuti ʋanhurume ʋose ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, iʋo ʋarume ʋehondo, ʋakaŋga ʋafira panzira murenje pakuɓuɗa kwaʋo Egipita.

5 Nokuti ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa Egipita ʋakaŋga ʋadziŋgiswa; asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaponerwa murenje panzira pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa.

6 Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci.

7 Ɀino ʋana ʋaʋo ʋaakaŋga amutsa panɀimbo yaʋo, ndiʋo ʋakadziŋgiswa naJoshua; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa, ɀaʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa panzira.

8 Ɀino ʋakati ʋapedza kudziŋgisa rudzi rwose, ʋakagara paʋakaŋga ʋari pamisasa kuȿikira ʋapora.

9 Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndabvisa kwamuri kuɀidzwa kwamakaɀidzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Girgari, kuȿikira nhasi.

10 Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋaka misasa yaʋo paGirgari, ʋakadya paseka pazuʋa regumi namanna romŋedzi maɗekwana, pamapani eJeriko.

11 Nomusi uyo, uri musi wakateʋera paseka, ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika iyo, ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nehura dzakakaŋgwa nomusi iwoyo.

12 Mana ikaguma nomusi wakateʋera uyo waʋakadya nawo ɀiɓereko ɀenyika iyo; ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuzoʋa nemana ɀe, asi ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika yeKanani gore irero.

13 Ɀino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona murume amire pakatarisana naye, akaɓata munondo wake wakavomorwa muruʋoko rwake; Joshua akaenda kwaari, akati kwaari: Uri mumŋe weɗu here, kana waʋaʋeŋgi ʋeɗu?

14 Iye akati: Kwete, asi ndaʋuya ini mukuru wehondo yaJehova. Ipapo Joshua akawira pasi neciso cake, akanamata kwaari, akati kwaari: Ishe waŋgu unoreʋeiko kumuranda wake?

15 Mukuru wehondo yaJehova akati kunaJoshua: Bvisa shaŋgu yako parutsoka rwako, nokuti paumire patȿene; Joshua akaita saiɀoɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy