Joshua 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)ƲaIsraeri ʋanoyambuka Joridani. 1 Ɀino Joshua wakamuka maŋgwanani, ʋakabva Shitimi, ʋakaȿika paJoridani, iye naʋana ʋaIsraeri ʋose; ʋakaʋata’po ʋasati ʋayambuka. 2 Mazuʋa matatu akati apera, ʋatariri ʋakapinda napakati pemisasa, 3 ʋakaraira ʋanhu, ʋaciti: Kana muciʋona areka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, naʋaprista ʋaRevi ʋoitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuiteʋera. 4 Asi munofanira kusiya nɀimbo pakati penyu naiyo, inoȿika makubiti aneŋge ɀuru ɀiʋiri; regai kusweɗera kwairi, kuti muziʋe nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi. 5 Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Ɀinatsei, nokuti maŋgwana Jehova ucaita ɀinoshamisa pakati penyu. 6 Joshua akataura naʋaprista, akati: Simudzai areka yesuŋgano, mutuŋgamirire ʋanhu pakuyambuka. Iʋo ʋakasimudza areka yesuŋgano, ʋakatuŋgamirira ʋanhu. 7 Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndicataŋga kukukudza pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaziʋe kuti ndicaʋa newe, seɀandaisiʋa naMosesi. 8 Iwe unofanira kuraira ʋaprista kuti ʋatakure areka yesuŋgano, uciti: Kana maȿika parutiʋi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani. 9 Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Ʋuyai pano, munzwe mashoko aJehova Mŋari wenyu. 10 Joshua akati: Mucaziʋa necinhu ici kuti Mŋari mupenyu uri pakati penyu, ʋuye kuti ucadziŋga ɀirokwaɀo pamberi penyu ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaHivi, naʋaPerezi, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaJebusi. 11 Tarirai, areka yesuŋgano yaShe wenyika yose inokutuŋgamirirai pakuyambuka Joridani. 12 Naiɀoɀo ɀino muɀitorerei ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pamarudzi ose aʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe. 13 Ɀino kana tsoka dzaʋaprista ʋanotakura areka yaJehova, Ishe wenyika yose, dzicitsika mumvura yaJoridani, mvura yaJoridani icagurwa, iyo mvura inobva kumsoro; icamira, ikaita murwi mukuru. 14 Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacibva pamatente aʋo, kuti ʋayambuke Joridani, ʋaprista ʋaitakura areka ʋakatuŋgamirira ʋanhu; 15 ɀino ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakati ʋaciȿika paJoridani, netsoka dzaʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka dzicinyikwa pamuceto wemvura, (nokuti Joridani runofashamira nhiʋi dzarwo dzose ŋguʋa yose yokukohwa,) 16 mvura yakaŋga icibva kumsoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kuȿikira kurekure paAdama, guta riri kurutiʋi rweZaretani; neyakaŋga iciyerera kuguŋgwa reAraba, ndiro Guŋgwa roMunyu, yakagurwa cose; ʋanhu ʋakayambuka pakatarisana neJeriko. 17 Ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakaramba ʋamire pasi pakawoma pakati paJoridani; ʋaIsraeri ʋose ʋakayambuka pavu rakawoma kuȿikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridani. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society