Online Bible

- Reklamy -

Joshua 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Maguta matanhatu oʋutiziro.

1 Ɀino Jehova wakataura naJoshua, akati:

2 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Muɀitsaurire maguta oʋutiziro, andakakuʋudzai nomuromo waMosesi;

3 kuti munhu wakaʋuraya mumŋe nokusaziʋa kana asina‐kuita nobgoni, atizire’po; acaʋa kwamuri ʋutiziro pamutsiʋi weropa.

4 Unofanira kutizira kunerimŋe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuʋo reguta, agoreʋa mhoȿa yake panzeʋe dzaʋakuru ʋeguta iro; ipapo ʋanofanira kumugamucira pakati paʋo muguta, ʋamupe pokugara, agogara pakati paʋo.

5 Ɀino kana mutsiʋi weropa aciŋge amuteʋera, haʋafaniri kuisa muʋurayi paruʋoko rwake, nokuti wakaʋuraya wokwake asiŋgaiti nobgoni, asina‐kumuʋeŋga kare.

6 Ɀino iye unofanira kugara muguta iro, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano atoŋgwe, kuȿikira pakufa kwomuprista mukuru ucaʋa’po namazuʋa iwayo; ipapo muʋurayi unofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakaŋga atiza.

7 Ipapo ʋakatsaura Kedeshi muGarirea panyika yamakomo yaNaftari, neShekemi, panyika yamakomo yaEfraimi, neKiriati‐arba (ndiro Hebroni) panyika yamakomo yaJuda.

8 Nemhiri kwaJoridani paJeriko kumabvazuʋa ʋakatsaura Bezeri murenje paɓani kurudzi rwaRubeni, neRamoti muGireadi kurudzi rwaGadi, neGorani muBashani kurudzi rwaManase.

9 Ndiwo maguta akatsaurirwa ʋana ʋaIsraeri ʋose, naʋatorwa ʋaigara pakati paʋo, kuti aninani unoʋuraya munhu nokusaziʋa atizire’ko, arege kufa noruʋoko rwomutsiʋi weropa, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy