Online Bible

- Reklamy -

Joshua 18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Tabernakeri inodzikwa paShiro.

1 Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakaʋuŋgana paShiro, ikadzika’po tente rokusoŋgana; nyika yakaŋga yakundwa naʋo.

2 Asi pakati paʋana ʋaIsraeri kwakaŋga kwasara marudzi manomŋe akaŋga acigere kukamurirwa nhaka yawo.

3 Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Mucanonoka kuȿikira riniko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu?

4 Ɀitsaurirei ʋarume ʋatatu kurudzi rumŋe norumŋe, ini ndiʋatume, ʋasimuke ʋafambe nenyika, ʋagorondedzera nhaka yaʋo; ipapo ʋaʋuye kwandiri.

5 Ʋanofanira kuiganhura ʋaciita migoʋe minomŋe; ʋaJuda ʋanofanira kugara panyika yaʋo kurutiʋi rwezasi, ʋuye ʋeimba yaJosefa ʋanofanira kugara panyika yaʋo kurutiʋi rwokumsoro.

6 Ɀino munofanira kurondedzera nyika, muciita migoʋe minomŋe, mugoʋuya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehova Mŋari weɗu.

7 Nokuti ʋaRevi haʋanomugoʋe pakati penyu; nokuti ʋuprista bgaJehova ndiyo nhaka yaʋo; ɀino ʋaGadi naʋaRubeni, nehafu yorudzi rwaManase ʋakapiwa nhaka yaʋo mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi muranda waJehova.

8 Ɀino ʋarume aʋo ʋakasimuka, ʋakaenda; Joshua akaraira iʋaʋo ʋakaenda kundorondedzera nyika, akati: Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehova paShiro.

9 Ʋarume ʋakaenda, ʋakafamba nenyika, ʋakarondedzera mubuku nyika namaguta ayo, ʋaciita migoʋe minna, ʋakaȿika kunaJoshua pamisasa paShiro.

10 Ɀino Joshua akaʋakandira mijenya paShiro pamberi paJehova; ipapo Joshua akagoʋera ʋana ʋaIsraeri nyika seɀaʋakaŋga ʋakamurirwa.


Nhaka yaBenjamini.

11 Rudzi rwaʋana ʋaBenjamini ʋakagoʋerwa mugoʋe waʋo nemhuri dzaʋo; nyika yomugoʋe waʋo yakaŋga iri pakati paʋana ʋaJuda naʋana ʋaJosefa.

12 Muganho waʋo kurutiʋi rwokumsoro wakabva paJoridani; ɀino muganho ndokukwira kurutiʋi rweJeriko necokumsoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumaʋirazuʋa, ndokuguma murenje reBeti‐aveni.

13 Muganho ndokubva’po, ndokupfuʋura napaRuzi, kurutiʋi rwezasi rweRuzi (ndiro Beteri); ɀino muganho ndokuɓurukira Ataroti‐adari, pedyo negomo riri zasi kweBeti‐horoni rezasi.

14 Muganho ndokutarwa, ucibva kumaʋirazuʋa ucidzokera zasi; kubva pagomo riri pamberi peBeti‐horoni zasi, ndokuguma paKiriati‐baari (ndiro Kiriati‐jearimi), guta raʋana ʋaJuda; ndirwo rwaiʋa rutiʋi rwamaʋirazuʋa.

15 Rutiʋi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriati‐jearimi, muganho ndokuramba ucienda kumaʋirazuʋa, ndokuɓuɗira kutsime remvura yeNeftoa;

16 ɀino muganho ndokuɓurukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womŋanakomana waHinomi, mumupata weRafaimi kumsoro; ndokuɓurukira kumupata waHinomi, kurutiʋi rwaʋaJebusi zasi, ndokuɓurukira Eni‐rogeri;

17 ɀino ndokutarwa kurutiʋi rwokumsoro, kubva paEni‐shemeshi kuȿikira paGeriroti, rakatarisana nejiŋga reAdunimi; ndokuɓurukira kubge raBohani, mŋanakomana waRubeni;

18 ɀino ndokupfuʋurira kurutiʋi rwakatarisana neAraba, kumsoro, ndokuɓurukira kuAraba;

19 muganho ndokupfuʋura nokurutiʋi rweBeti‐hogra kumsoro, ndokuguma kumsoro apo pakapinda nyika muGuŋgwa roMunyu, kumugumo wezasi waJoridani; ndiwo waiʋa muganho wezasi.

20 Joridani ndirwo rwakaŋga ruri muganho wayo kumabvazuʋa. Ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaBenjamini, nemiganho yayo kunhiʋi dzose, nemhuri dzaʋo.

21 Maguta orudzi rwaʋana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo, akaŋga ari Jeriko, neBeti‐hogra, neEmeki‐kezizi,

22 neBeti‐araba, neZemaraimi, neBeteri,

23 neAvimi, nePara, neOfra,

24 neKefari‐amoni, neOfni, neGeba; maguta anegumi namaʋiri nemisha yawo;

25 neGibeoni, neRama, neBeeroti,

26 neMizpe, neKefira, neMoza,

27 neRekemi, neIrpeeri, neTarara,

28 neZera, neErefi, neJebusi (ndiro Jerusarema), neGibeati, neKiriati; maguta anegumi namanna nemisha yawo; ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaBenjamini nemhuri dzaʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy