Online Bible

- Reklamy -

Joshua 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Nhaka yaEfraimi.

1 Mugoʋe waʋana ʋaJosefa wakataŋga paJoridani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuʋa kurenje, ucitaŋga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo ucienda Beti‐eri;

2 ndokubva Beti‐eri kuȿikira paRuzi, ndokupfuʋura napamuganho waʋaArkiti kuȿikira paAtaroti;

3 ndokuɓurukira kumaʋirazuʋa kumuganho waʋaJafereti, kuȿikira kumuganho weBeti‐horoni rezasi, kuȿikira Gezeri, ndokuguma paguŋgwa.

4 Ʋana ʋaJosefa, Manase naEfraimi, ʋakatora nhaka yaʋo.

5 Muganho waʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo ndiwo: Muganho wenhaka yaʋo kumabvazuʋa wakaŋga uri Ataroti‐adari, kuȿikira paBeti‐horoni kumsoro;

6 ɀino muganho ndokuenda kumaʋirazuʋa paMikmetati kumsoro; ɀino muganho ndokudzoka kumabvazuʋa kuȿikira paTanati‐shiro, ndokupfuʋura ipapo kurutiʋi rwamabvazuʋa eJanoa;

7 ndokubva paJanoa, ndokuɓurukira Ataroti, neNaara, ndokuȿika paJeriko, ndokuguma paJoridani.

8 Kubva paTapua muganho wakaenda kumaʋirazuʋa, kuȿikira parukoʋa Kana, ndokuguma paguŋgwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwaʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo;

9 pamŋe cete namaguta akaŋga akakamurirwa ʋana ʋaEfraimi pakati penhaka yaʋana ʋaManase, maguta ose nemisha yawo.

10 Haʋana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋaEfraimi kuȿikira nhasi; ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy